Mitambo yose yamiswa neSRC

Abel Ndooka
SANGANO rinotungamira mitambo yose reSports and Recreation Commission (SRC) rakazivisa nyika kuti mitambo yose yakumbomiswa apo nyika yave kudzokera palockdown yechipiri.

Zvichitevera zvirango zvakaiswa nehurumende nemusi weMugovera apo mutevedzeri wemutungamiri wenyika Rtd General Dr Constantine Chiwenga avo vanovezve gurukota rezvehutano nekurerwa kwevana vakazivisa nyika kuti tave kudzokera palockdown yechipiri senzira yekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19 icho chauraya vanhu vakawanda mumazuva adarika, SRC yakati zvichitevera zvirango zvitsva zvakaiswa izvi nehurumende, vakakurukura negurukota rezvemitambo vechidiki nerecreation Dr Kirsty Coventry ndokubvumirana kuti zvakakosha kuti mitambo yese muZimbabwe imbomiswe kusvika musi wa31 Ndira zvozoongororwa ipapo.

Pachinyorwa chakabva kuSRC chinoti, “Zvichitevera zvirango zvitsva zvakaiswa nehurumende zvekuedza kurwisa denda reCovid-19 zvaziviswa nemutevedzeri wenyika arizve gurukota rezvehutano nekurerwa kwevana Dr Chiwenga, isu seSRC tichikurukura negurukota rezvemitambo tasvika pakuwirana kuti mitambo yese muZimbabwe imbomiswa.

“Tichazoongorora zvekare musi wa31 Ndira kuti zvinhu munyika zvinenge zvamira sei. Asi masangano akasiyana anogona kuuya kuzonyorera vachikumbira mvumo yekutamba isu toongorora nyaya yacho,” inodaro SRC.

Chinyorwa ichi chinoenderera chichiti kana kune vanotyora mitemo voronga mitambo vasina mvumo vacharangwa zvikuru.
“Kana kune vanotyora mitemo voronga mitambo zvisina mvumo, imhosva huru uye vacharangwa,” inodaro SRC.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×