Tendai Rupapa
ZIMBABWE nemusi weChitatu yakaita hurukuro yekutanga pakati pevarapi vechivanhu nemachiremba vakadzidzira basa nedzimwe nyanzvi dzezveutano nechinangwa chekutsvaga nzira dzekuti mishonga yechivanhu ingashandiswe sei mukurwisa zvirwere zvinosanganisira Covid-19.
Hurukuro idzi dzakavepo nekuda kwemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, avo vanova zvakare Ambassador wezveutano nekurerwa kwevana munyika muno.
Zvakabuda muhurukuro idzi ndezvekuti mativi maviri aya – varapi vechivanhu nevakadzidzira basa – avo vaimbopesana nekuda kwemashandiro avo, vanokwanisa kushanda pamwe chete uye pane chikwata chakatoumbwa kuti vabatsirane panyaya yekunyoreswa nekuongororwa kwemishonga yechivanhu.
Gungano iri rakapindwa nevarapi vechivanhu, nyanzvi dzezveutano, vanamazvikokota vesainzi nenyanzvi mukuita ongororo.
Amai Mnangagwa vagara vachitungamira chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 nezvirwere zvinosanganisira gomarara.
Vachitaura pagungano iri, Amai Mnangagwa vanosimbisisa kuti chinangwa chemusangano uyu hachizi chekuti pave nemakwikwi pakati pemativi maviri aya, asi kuti vashande pamwe chete.
“Tine varapi kubva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana nevekuTraditional Medicine Practitioners Council. Chinangwa chemusangano uno ndechekusiyana nezvakare zvaitadzisa mativi maviri aya kuti ashande pamwe nekuti hatisi kuda makwikwi, asi kushanda pamwe. Tave kuziva pari zvino kuti varapi vechivanhu vane bhodhi rinocherechedzwa muZimbabwe,” vanodaro.
Vanhu vakawanda vemunyika muno pane nguva dzavanomboenda kuvarapi vechivanhu vachida kubatsirwa mune zvakasiyana nekuda kwekuti vanogara munharaunda dzavo.
Amai Mnangagwa vanoti bazi rezveutano nekurerwa kwevana harirambidze kushandiswa kwemishonga yechivanhu sezvo riine bandiko rinoona nezvekunyoreswa zviri pamutemo kwemishonga iyi.
“Tikatarisa mamiriro ezvinhu aya, kunyanya apo zumbani redu riri kutengeswa kumhiri kwemakungwa semushonga unobatsira kuzvirwere zvedzihwa zvine zviratidzo zvakada kufanana nezveCovid-19, yakwana nguva yekuti tive nehurukuro iyi,” vanodaro.
Amai Mnangagwa vanoti nyika ino iri pakati pekurwisa chirwere cheCovid-19 izvo zvaona mishonga yechivanhu yakawanda ichishandiswa.
“Nhasi, Traditional Medicine Practitioners Council iripo kuti igoverane nesu pamusoro pemishonga inobatsira kuzvirwere zvakasiyana. SaAmbassador wezveutano, ndakazvininipisa ndikakumbira vanamazvikokota vezvesainzi (scientists) kubva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana kuitira kuti tive nehurukuro dzatinorodzana pfungwa tichitaura pamusoro pekuti tingaende mberi sei neruzivo rwunenge rwawanikwa,” vanodaro.
Muzvare Joice Guhwa vanova nhengo yeTraditional Medicines Practitioners Council secretariat vanoti: “Tinoda kubatana toshanda pamwe chete pasina kufungirana uye tichinzwisisana. Chinoita kuti tishande pamwe kuziva patakasimba uye kutsvaga kunzwisisa kuti vamwe vanofambisa sei basa ravo.
“Pamishonga yechivanhu, dambudziko redu nderekuti hatikwanise kunge tichivheneka (zvirwere) nekudaro tinogona kurapa vanhu zvatisingazive. Tave kuda nzira dzakajeka kuitira kuti tinzwisise zvatinenge tichipa kuvarwere.”
Vamwe varapi vechivanhu vaive pamusangano uyu vakaratidza kutsutsumwa kuti vari kusarurwa vachiti mishonga yavo iri kutora nguva yakareba kuti iongororwe.
Vachipindura zvichemo izvi, Professor Nicholas Midzi, avo vanova director kuNational Institute of Health Research vanoti ongororo yemishonga yechivanhu inogona kunonoka kuitwa nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuti inenge ichida kuonekwa kuti haina njodzi here kana ikashandiswa nevanhu.
“Tinoda kuti muzive kuti sei tichiramba tichiti mishonga yose inofanirwa kuongororwa isati yashandiswa. Kune vamwe vakakura vachipihwa mishonga yechivanhu uye tinogamuchira kuti mishonga yavo inoshanda. Asi tine mapoka anosimbisisa kuti mishonga inofanirwa kuongororwa yonyoreswa zviri pamutemo kuitira kuti isave nenjodzi kune vanoishandisa. Ongororo iyi inogona kunonotsa mafambiro ezvinhu, asi yakakosha zvakare panyaya yekushambadza mushonga,” vanodaro Prof Midzi.
Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanotaura pamusoro pezvinofanirwa kuitwa ndokukurudzira varapi vechivanhu kuti vatevedzere mitemo yenyika pakuita basa ravo.
“Kune vamwe vari kutsvaga mari neavo vanoda rubatsiro. Apo tave kubva panzvimbo ino Amai, tinozvininipisa tichikukumbirai kuti mutibatsire negwara rekufamba naro kubva iye zvino. Tinovimbisa kutsvaga mari yekuita ongororo uye ndicharwa ndimire kuti mari iyi iwanikwe mukati menguva pfupi-pfupi,” vanodaro.
Zvisinei, Dr Mangwiro vanochema-chema kuti kune vamwe varapi vechivanhu vasingade kushanda nebazi ravo nemamwe mapoka kunyangwe mushure mekunge zvaonekwa kuti mushonga wavo unoshanda.
“Chatisingade kuti vanhu vaende pamusoro pechikomo voshevedzera kuti vanokwanisa kuita izvi nezvozvo, asi tikavadana kuti vatiratidze, vanoramba. First Lady vakurudzira munhu wose kuti atevedzere mutemo uye hapana ari kuzovharirwa kunze,” vanodaro Dr Mangwiro.




