Mapere arura kwaGutu

Kingstone Mapupu

VARIMI vekumapurazi eDevure nemaruwa akakomberedza, dunhu raMambo Chiwara kwaGutu, vanoti zvipfuyo zvavo zvinosanganisira mombe, mbudzi nemakwai zvapera kudyiwa nemapere.

VaHonest Mberikunashe (59) vepapurazi reMberikunashe riri pamuganhu weGutu neBikita uye vari sachigaro wemunzvimbo iyi vanoti mapere ari kudya zvipfuyo zvevarimi.

“Taona nhamo kuno nemapere ari kudya zvipfuyo zvedu zvinosanganisira mombe, makwai, mbudzi, madhongi nekudzingirirawo vanhu vachifamba kana kuti vari kuminda yavo masikati chaiwo,” vanodaro VaMberikunashe.

Mapere aya anonzi anogara mumakomo ari munzvimbo iyi.

Bere

“Mombe dzadyiwa mumakore maviri mumapurazi edu dzinodarika makumi mashanu, mbudzi makumi maviri, makwai makumi maviri nemashanu nemadhongi akawandawo. Mapere aya anodzingirira vanhu vachizvifambira zvekuti tave kutogara tichitya,” vanodaro.

VaMberikunashe vanoenderera mberi vachiti, “Papurazi pangu chete ndakadyirwa mombe 7, madhongi 5, mbudzi 13 nemakwai 6. Svondo rakapera chairo ndakarumirwa makwai nemhuru zviri mudanga izvo zvandiri kutorapa maronda izvozvi.”

Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo vanokurudzira vanhu kuti vakurumidze kuvazivisa kana vasangana nedambudziko remhuka dzesango.

VaFarawo

“Ikurudziro yedu kuti vanhu vakurumidze kutizivisa kana vaita dambudziko rekudyirwa zvipfuyo nemhuka dzesango. Tinotuma nyanzvi dzedu dzoona zvekuita nemhuka idzi kana kudziuraya,” vanodaro.

Vanoti vashandi vebazi ravo vachashanyira nzvimbo yekwaGutu iyi nechinangwa chekunoona matanho avangatore pamusoro pedambudziko remapere anonzi arura aya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×