Covid: ‘Vaimbi pindirai’

Abel Ndooka

MUIMBI ari kusimukira – Dedicated Musasa – anoti vaimbi neshasha dzemadhirama vanofanirwa kutora chikamu chikuru mukushambadza pamusoro pekurwisa chirwere cheCovid-19 uye vachipawo mucheredzo wakanaka kune veruzhinji.

Muhurukuro, Musasa anoti denda reCovid-19 richiriko uye hakuna anoziva kuti rinopera rinhi saka zvakakosha kuti chenjedzo yechirwere ichi irambe ichipihwa kuitira kuti veruzhinji vasavarairwe uye vagare vakazvidzivirira.

Dedicated Musasa

“Denda reCovid-19 richiriko, hakuna anoziva kuti richapera rinhi uye kuti mangwana akamira sei. Saka isu vari mune zvemimhanzi tinofanira kugara tichipa chenjedzo nguva dzose kune veruzhinji kuti ngavatevedzere mutemo, vapfeke mamasiki avo uye vachizora masanitizer.

“Vanhu vasaungane-ungane kuitira kuti zvisape mukana wekuti chirwere ichi chirambe chichipararira,” anodaro Musasa.

Muimbi wechidiki uyu ashanda nesimba munyaya dzemimhanzi izvo zvamuona achiburitsa madambarefu matatu emisambo yakasiyana gore rino.

Aparura dambarefu rechitendero rinonzi Chingwa Chehupenyu, reSungura – Dariro Hamuzakatipa – nereZim-dancehall rinonzi Chibvindibvindi.

Dedicated Musasa

Anoti mhanzi yake inobata mazera ose sezvo chinangwa chake chiri chekuparidza shoko raMwari achishandisa misambo yakasiyana.

“Ndinoimba misambo yakasiyana nekuti chinangwa changu kuparidzira kumazera ese, vakuru nevadiki. Kune vamwe vanofarira dzechitendero, koita veSungura neveZim-dancehall, saka kumunhu wose shoko rinotongosvika kwaari chete,” anodaro Musasa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×