‘Lockdown’ yawedzerwa

Tandayi Motsi

VAKAFANOBATA chigaro chemutangamiriri wenyika Acting President Chiwenga vazivisa kuti Hurumende yawedzera chirongwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 chinodaidzwa kuti Level 4 National Lockdown kusvika nemusi wa15 Kukadzi nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwevanhu.

Vanoti chirongwa chelockdown, icho change chichifanirwa kupera kutanga kwaKukadzi, chiri kubatsira zvakanyanya panyaya yekumisa kupararira kwedenda iri.

Acting President Chiwenga – avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana – vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri huri kudzikira uye vakawanda vari kupona kana zvichienzaniswa nepanguva iyo chirongwa ichi chakange chisati chavepo.

Vanoti President Mnangagwa vanonzwisisa zvikuru matambudziko anovepo zvichitevera kuwedzerwa kwemazuva echirongwa chelockdown asi vanosimbisisa panyaya yekuchengetedza upenyu hwevanhu.

“Tinogona kuve nekunyuka kwemhando itsva dzechirwere ichi uye chichipararira. Mhando itsva idzi dziri nyore kupararira. Tiri kuita ongororo yekuona kuti mhando itsva idzi dzirimo here munharaunda dzedu, zvichabuda muongororo iyi zvichaziviswa munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Acting President Chiwenga.

Vanoti zvakakosha kuti varuzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kupfeka masiki nenzira kwayo, kushandisa sanitizer kana kugeza maoko nemvura ine sipo, kusaita chitsokotsoko, kugara kumba, kuvhenekwa chirwere ichi uye kana munhu akaonekwa ainacho ombogara pake oga.

Kuwedzerwa kwemazuva echirongwa chelockdown kunotevera kurudziro yakaitwa nenyanzvi dzezveutano dzichiti chirongwa ichi chinofanirwa kuramba chiripo sezvo chiri kubatsira zvikuru mukurwisa Covid-19.

Kusvika nemusi weChina svondo rino, vanhu 32 646 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 24 419 vakatopona asi vamwe 1 160 vakafa.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×