Kingstone Mapupu
MABASA ekurima kuminda yemadiridziro yeCashel Valley iri kwaMutambara, kuChimanimani, anonzi asimukira zvikuru panguva yekunge vanhu vagere kudzimba nekuda kwechinangwa chekurwisana nedenda ranetsa pasi rose reCovid-19.
Law Tiyengane (24) – uyo anova murimi wechidiki uyewo ari munyori wechikwata chevarimi ava uyo anogara mubhuku raGumise – anoti kubva pakadzikwa mutemo wekuti vanhu vagare kudzimba mumwedzi waKurume kusvika pari zvino, mabasa ekurima akasimukira zvikuru apo vanhu vari kuzvipira mukushanda muminda yavo nguva dzose pasina chimwe chinokanganisa.
“Kubva pakanzi neHurumende vanhu vagare kudzimba nekuda kweCovid-19, takaona mabasa ekurima edu osimukira zvikuru sezvo varimi vose vari kuswera muminda pasina kuita nzendo dzisina tsarukano.
“Nekudaro goho mukati mezvirimwa zvose zvatinorima kuno rasimukira kudarika zvaisiitika kumashure,” anodaro Tiyengane.
Varimi ava vanodiridza zvirimwa zvavo nemvura inobva murwizi Umvumvumvu naMutengambudzi – iyo inofamba yoga nemigero kupinda muminda pasina kushandisa magetsi.
Varimi ava vanorima zvirimwa zvinosanganisa chibage, muriwo, bhinzi, hanyanisi, nzimbe, nzungu, mbambaira, gorosi, derere nezvimwe.
“Tagara tichirima zvedu kuno kuCashel Valley asi takambokanganiswa nedambudziko reCyclone Idai mwaka wakapera tikaparadzirwa zvirimwa zvedu kusanganisa nemigero inofambisa mvura.
“Kuzouya kwechirwere cheCovid-19, vanhu vakabva vanzi vamire kufamba famba nzendo izvo zvakatipa mikana yekuswera tiri muminda. Saka basa remuminda rashandwa zvikuru kubva mumwedzi waKurume kusvika izvozvi,” anodaro Tiyengane.
Minda iyi yakakura mahekita 361, murimi woga woga achirima hekita rimwe chete.
Kubva mumwedzi waKurume kusvika izvozvi veruzhinji vagere kudzimba, nekudaro vanhu ava vari kuita mabasa akaita sekurima nemamwe apamisha.
“Hatirevi kuti denda iri rakanaka, asi kuti rakaunza mimwe mikana sekurima uko tiri kuita kuno.
“Tinotenda District Development Fund (DDF) nekuvandudza migero inofambisa mvura muminda yedu iyo yakanga yatsemurwa nemvura panguva yeCyclone Idai.
“Takarima zvirimwa zvemuchirimo zvinosanganisa hanyanisi, chibage chinyoro, muriwo, tine vamwe vari kurima mishonga yemaherbs, nezvimwe zvakawanda.”
Murimi uyu anoti dambudziko ravo chete kudhurirwa nemarori anovatakurira zvirimwa kuenda nazvo kumisika kwaMutare, Rusape, Chimanimani, kuHarare nekuChipinge.
“Motokari dzinotitakurira zvirimwa dzava kudhura asi tine rombo rakanaka rekuti vamwe vanouya vachihodha kuno vanobva kuMozambique,” anodaro Tiyengane.
Varimi ava vanoti mukushanda kwavo vari kutevedza matanho ekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 sekusaungana, kugeza maoko nesipo nguva dzose, kupfeka mamasiki nekuzora masanitiser.
Sezvo vachidyidzana nevanhu vekuMozambique mukutengeserana, vanoti vari kushanda zvakanaka zvikuru nenyanzvi dzepachipatara cheMutambara Mission Hospital nemakiriniki akakomberedza.




