Kingstone Mapupu
MHURI yemutambi wetsiva akaita mukurumbira munyika muno nepasi rose – Proud “Kilimanjaro” Chinembiri – inoti upenyu hwavaomera zvekuti vari kudya nhoko dzezvironda.
Kwayedza svondo rino yakashanyira mhuri iyi pamba painogara mumusha weMbare, muguta reHarare, ndokuita hurukuro nemukoma waKilimanjaro nemudzimai wake avo vanoti havasisina chekubata.
Punish Chinembiri (68), anova mukoma waKilimanjaro, uyo aivawo mutambi wezvibhakera, anobuda pachena achiti akada kuita zvekunyara iye nemhuri yake vanosvika pakuziya nenzara.
“Kutaura chokwadi imba ino yandinogara nemudzimai wangu nemhuri takaisiirwa nevabereki vedu, ini handina yangu – zvimwe chetezvo naProud.
“Munguva ino yekunzi vanhu vagare kudzimba nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19, zvinhu zvabva zvanyanya kutiomera,” anodaro Punish.
Kilimanjaro achiri mupenyu, mutambi wetsiva uyu akaita mukurumbira mukuru nekuhwinha menduru dzakawanda muno nekunze kubva mugore ra1980 kusvika 1990 apo akazozorora asati azoshaika muna1994.
Punish anoti kunyangwe munin’ina wake akaita mukurumbira wakanyanya nemutambo wetsiva, haana zvinhu zvinobatika munyaya dzehupfumi zvaakasiya.
“Semaziviro angu, munin’ina wangu akashaika ava nemakore 36 okuberekwa apo akanga arwa mitambo yetsiva muno nekunze inokwana 39. Akakunda pamitambo 32, ndokukundwa minonwe chete.
“Asi nembiri yake yose iyoyo, hakuna chinobatika icho takasara nacho semhuri sezvamunoona kudai,” anodaro Punish.
Anoti mhuri yake yevana 4 nemudzimai yava kumuremera kuchengeta.
“Tave kutorarama nekubatsirwa nevanhu vane tsiyo nyoro. Tiri kugara tichiti ini, vana 4 nemudzimai wangu pano paimba yakasiiwa nevabereki vedu.
“Takanga takaberekwa tiri vana vasere asi ndangosara ini ndoga nenhamo yandakatarisana nayo.”
Punish anoti pamba pavo hapana mvura kana magetsi sezvo zvose zvakavharwa nenyaya yekushaya mari.
“Hatina mvura nemagetsi nekuda kwezvikwereti.
“Mwana waProud akaenda kuAustralia handizivewo kuti zviri kumufambirawo sei ikoko,” anodaro.
Anoti haana basa rinomupa mari izvo zvave kumuita kuti apone nehwakumukwaku.
Ednah (56), mudzimai waPunish anotsinhirawo achiti upenyu hwakavaomera zvikuru.
Onai dzimwe nyaya pa: www.kwayedza.co.zw



