Vanhu 31 vabatwa neCovid-19 muZim

Munyori weKwayedza
VANHU 31 vawanikwa vaine coronavirus – hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19 –pavanhu 6 067 avo vavhenekwa denda iri kusvika pari zvino muZimbabwe.
Pavanhu ava, vana vavo – varume vatatu nemunhukadzi mumwe chete – vakashaya.
Nemusi weMugovera bazi rezveutano nekurerwa kwevana, mumashoko aro epazuva, rakazivisa kuti: “Nhasi tavheneka vanhu 380 izvo zvabva zvasvitsa huwandu hwevanhu vaongororwa pa6 067. Muongororo dzanhasi dzemuHarare, vanhu vatatu vawanikwa vaine Covid-19 uye vose vavhenekwa kuBulawayo vawanikwa vasina.
“Vaviri vevanhu vawanikwa vaine Covid-19 nhasi vakaiwanira muno uye vose vari vatatu vari nani zvekare havasi muchipatara.”
Izvi zvinoreva kuti Harare yava nevanhu 13 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa, Bulawayo ine 10, kuMashonaland East kune 4, vatatu ndeve kuMashonaland West kuchiti mumwe chete ndewe kuMatabeleland North.
Kusvika neMugovera uyu, vanhu 2 719 897 vange vavhenekwa vakaonekwa vaine Covid-19 pasi rose uye 187 705 vange vafa nedenda risati rawanirwa mushonga wekurapa iri.
Sekutaura kwesangano reWorld Health Organisation, Covid-19 yava munyika 210.
Bazi rezveutano rinoramba richikurudzira veruzhinji kuti vakoshese hutsanana vachigeza maoko avo zvekuchena nesipo nemvura inomhanya uye kusaita chitsokotsoko asi kuti vanhu vagare vakataramukana (social distancing).
Kune avo vanoshandisa ma”face mask”,  vanokurudzirwa kuti vanyatsoapfeka nemazvo nekuti anokwanisa kutoita kuti vatapurirwe hosha kana akasapfekwa zvakanaka.
Vanoda kuziva zvakawanda vanokurudzirwa kuridza nhare dzemahara dzinoti 2019.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×