Mabatirwo ezvitunha zvinobva kunze kwenyika

Nqobile Tshili naThupeyo Muleya 
HURUMENDE inoti mitumbi yevanhu vose vanofira kunze kwenyika ichabatwa sekunge ine Covid-19 uye inoongororwa zvakasimba isati yatenderwa kupinda muno.

Vanofa nenjodzi nevane maronda akaipisisa ndivo vasingaongororwe nenzira iyi.

Mutyairi mumwe chete ndiye anotenderwa kutyaira mota inotakura chitunha kupinda nacho munyika muno achinosvika nacho kwachichavigwa, obva akasika kudzokera.

Hama dzemufi dzinotenderwa kuperedza nemutumbi kusvika pamuganhu wenyika apo vanobva vatorwa vachiendeswa kwavo voga kwemavhiki matatu mutumbi uchienderera mberi kunovigwa.

Danho iri rakaziviswa neZimbabwe Consulate kunyika yeSouth Africa.

KuSouth Africa, kunova kune zviuru zvezvizvarwa zvemuZimbabwe, ndiko kumwe kwawanikwa vanhu vane Covid-19 vakawandisa panyika dzemuAfrica.

Kusvika nemusi weMugovera, muZimbabwe mange mava nevanhu 31 avo vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavanhu ava, vana vavo vakashaya uye vaviri vapora kubva mukurwara nedenda iri.

Mitumbi yezvizvarwa zvemuZimbabwe zvinofira kuSouth Africa inowanzoperekedzwa nehama neshamwari kudzoka kumusha kuzovigwa.

Zimbabwe neSouth Africa dzakaisa zvirongwa zvinoita kuti vanhu vose vambogara mudzimba uye vasingafambe-fambe sematanho ekuderedza kupararira kweCovid-19.

Nemusi weChipiri svondo rapera, Consular-General weZimbabwe kuSouth Africa, Muzvare Melody Chaurura vakati kuburikidza nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, nyika yatora matanho makuru ekuti Covid-19 isapararire.

“Mitumbi yose iri kutakurwa kuenda kuZimbabwe kuti inovigwa ichabatwa seine hutachiona kunze kwemitumbi yevanhu vanofa netsaona, kupondwa kana kumwe kukuvara kwakanyanyisa kwemuviri. Nekuda kweizvi, mitumbi yose inofanirwa kutanga yatenderwa nebazi rezveutano muZimbabwe pachishandiswa nzira dzagara dzichitevedzwa kuti ikwanise kunovigwa,” vanodaro.

“Hama dzinenge dziine chitunha dzinofanirwa kumbogara kwadzo dzoga kwemavhiki matatu kunzvimbo dzakatarwa neHurumende dzisati dzazoenda kurufu. Mutyairi wemotokari inenge yakatakura chitunha ndiye bedzi anotenderwa kuenda nechitunha kunzvimbo yachichanovigirwa muZimbabwe uye anofanira kudzokera kuSouth Africa mutumbi uchangovingwa,” vanodaro Muzvare Chaurura.

Vanoti vose vari mune zvekuviga vanhu vanofanira kutevedzera hurongwa uhu.

Sachigaro weInter-City Funeral Directors Association – South Africa (IFDSA-SA), VaNkosi Kwanike Nare vanoti vose vari mune zvekuviga zvitunha vakaziviswa nezvehurongwa uhu.

“Izvi zvabatsira zvakanyanya kune makambani ari mune zvekuvigwa kwezvitunha uye tinotenda nekugamuchirwa kwechichemo chedu. Tinonzwisisa kuti pane mashoko aifamba maererano nePort of Entry Staff asi takavimbiswa kuti zviri kugadziriswa,” vanodaro VaNare.

Vanoti makambani ari mune zvekuviga zvitunha akazoenda kunoona vatungamiriri mushure mekusangana nematambudziko ekusanduka sanduka kwemitemo iri maererano nekufambiswa kwemitumbi kubva kuSouth Africa ichiunzwa muZimbabwe. Pane dzimwe nguva vanoti mitumbi yaidzokwa nayo kuSouth Africa patadza kutevedzwa mitemo.

VaNare vanoti pamwe pacho vainzi vasiye mitumbi kuti itakurwe nemakambani emuno asi vakatadza kuwirirana pamari dzinodiwa.

“Zvinoda mari inoita R15 000 kutakura mutumbi kubva kuSouth Africa kuenda nawo kuZimbabwe. Asi vamwe vedu vanga vava kuda R12 000 kubva paBeitbridge kupinda muZimbabwe. Izvi zvaitiremera kana mhuri dziri kuZimbabwe dzaiomerwawo nazvo,” vanodaro.

Nguva dzakawanda mitumbi inosvika 60 inopinda muZimbabwe nepaBeitbridge Border Post pavhiki ichibva kuSouth Africa kuti izovigwa.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×