‘Dai tose tikatevedzera’

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti iri kushushikana zvikuru kuti kune vamwe vanhu vasina hanya nekutevedzera matanho akatarwa ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvisinei nekuti vari kufa uye kuwanikwa vaine denda iri vari kuwanda zuva nezuva.

Mumashoko avo kuvatori venhau, vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro – Cde Janfan Muswere – vanoti chirwere ichi chadzika midzi muZimbabwe nekudaro zvakakosha kuti munhu wose atevedzera zvinodiwa mukumisa kupararira kwacho.

“Zvisinei nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi nevari kufa, zvinoshungurudza chose kuona kuti kune vamwe vanhu vasina hanya zvachose nekutevedzera matanho aripo ekuedza kumisa kupararira kwedenda iri (lockdown,” vanodaro.

Cde Muswere vanoenderera mberi vachiti, “Vanhu 7 082 vakasungwa svondo rapera mushure mekutyora mitemo yelockdown. Kusvika nemusi wa20 Ndira, vanhu vanosvika 347 264 vange vasungwa munyika yose zvichireva kuti pane kuwedzera ne19 188 kubva pa328 076 avo vange vasungwa kusvika svondo radarika.

“Dambudziko iri riri kunyanya kuonekwa parufu. Tinofanirwa kuramba tichichengetedzana uye kutevedzera mitemo yose yakatarwa nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere ichi.”

Cde Muswere vanoti kupfeka mamasiki nenzira kwayo yekuvhara mhuno nemuromo kwakaonekwa kuchibatsira zvakanyanya kudzivirira kupararira kwedenda iri asi kune vamwe vanhu vari kusungwa nemhosva yekusapfeka mamasiki nemazvo.

“Svondo rapera, vanhu 11 171 vakasungwa munyika yose nemhosva yekushaya hanya yekupfeka mamasiki nenzira kwayo. Izvi zvakabva zvaita kuti huwandu hwevanhu vasungirwa mhosva dzakadai kubvira lockdown ichitanga husvike pa119 557,” vanodaro.

Hurumende svondo rino yakawedzera mari yefaindi inobhadhariswa vanhu vanenge vabatwa vasina kupfeka mamasiki kana kusaapfeka nenzira kwayo kubva pa$500 kuenda pa$5 000.

Iyi ndiyo faindi zvakare iri kubhadharwa nevanhu vanotyora mutemo unorambidza veruzhinji kufamba kubva nenguva dza6 manheru kusvika 6 mangwanani (curfew).

Cde Muswere vanoti chirwere cheCovid-19 hachisarudze vanhu nekudaro zvakakosha kuti munhu wose azvidzivirire kubva kwachiri.

“Pasina kubatana uye muono mumwe chete pakurwisa chirwere ichi, tose tinopera,” vanodaro.

Zvichakadai, Cde Muswere vanoti Hurumende inorumbidza veruzhinji vari kutevedzera matanho akatarwa ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

“Tinofanirwawo zvakare kurumbidza vanhu vakawanda vemuZimbabwe avo vari kuratidza chiedza kune vamwe nekutevedzera mitemo yakatarwa,” vanodaro.

Kusvika nemusi weChina svondo rino, vanhu 32 646 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenekwa.

Pavarwere ava, 24 419 vakatopona asi vamwe 1 160 vakafa.

Related Posts

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Hadebe orangarira amai vake ne‘tattoo’ rechipiri

Blessing Malinganiza NOMUSI wa25 Chivabvu, makore mapfumbamwe adarika, upenyu hwemutambi wemaWarriors neFC Cincinnati, Teenage Hadebe, hwakashanduka zvachose zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa naamai vake Sellinah. Anoti amai vake ava ndivo vaive murairidzi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×