Abel Ndooka
MUKURU wesangano rinorwira kodzero dzeutano hwevanhukadzi reWomen in Health Zimbabwe – Mai Esther Murinyu Mawere – vari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera mitemo yakatarwa neHurumende nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 (lockdown) vachiti chikuru kugara kudzimba.
“Mushonga mukuru wekupedza chirwere cheCovid-19 iye zvino kugara mumba chete. Kana ukazvigarira mumba mako usingasangane nevanhu denda iri harimbokubate uye iwe nemhuri yako munogara makachengetedzeka.
“Asi zvinosuwisa zvikuru kuona kuti vamwe vanhu havasi kuda kuterera, vari kungotyora mitemo yelockdown zuva nezuva.
“Vanhu vari kufa nedenda iri uye vakawanda vari kubatwa vanaro saka ngatimbogarei kudzimba kusvikira zvinhu zvanaka,” vanodaro Mai Mawere.
Vanoti chirwere cheCovid-19 hachisi kusarudza vanhu nekudaro zvakakosha kuti munhu wose azvidzivirire kubva kwachiri.
“Isu sevanhu vari mune zveutano, tiri kutotyirawo upenyu hwedu nehwemhuri dzedu nekuti chirwere ichi hachisarudze kuti munhu anoita basa rei. Chinobata munhu wose uye chinouraya.
“Saka veruzhinji vakagara kudzimba dzavo zvinobatsira zvikuru tose kuti tinge takachengetedzeka nguva dzose uye tisarambe tichirasikirwa neupenyu nekuda kweCovid-19,” vanodaro Mai Mawere.
Vanoti pari zvino sangano ravo riri kupa dzidziso – kuburikidza nedandemutande – kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi.
“Kutaura kuno sangano redu riri kubatsira vanhu nemazano padandemutande pamusoro pezvavanofanirwa kuita nekusaita nguva ino yatiri kurwisa Covid-19,” vanodaro.




