Ivermectin yoshandiswa kuvarwere veCovid

Thandeka Moyo-Ndlovu

PAVE netariro huru kuvarwere veCovid-19 muZimbabwe zvichitevera kubvumidzwa kwakaitwa neHurumende kushandiswa kwemushonga wagara uchiwanikwa munyika muno weIvermectin kurapa varwere vedenda iri.

Kutengwa kwemushonga uyu kunze kwenyika uye kushandiswa kwawo munyika muno kwakange kwarambidzwa nguva pfupi yadarika apo sangano rinoona nezvemishonga yekurapa, reMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ), rainge rati unogona kuve nenjodzi kuutano hwevanhu.

Zimbabwe, sedzimwe nyika, yakazotendera kuti Ivermectin ishandiswe kuvarwere veCovid-19.

Svondo rino, sangano reSouth African Health Products Regulatory Authority (Sahpra) rakazivisa kuti rave kutendera kushandiswa kweIvermectin mukurapa varwere veCovid-19 kunyika yeSouth Africa.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti mushonga uyu unobatsira varwere veCovid-19 kunyangwe zvazvo usati waongororwa zvizere.

Ivermectin yagara ichishandiswa kwemakore akawanda kurapa zvipfuyo zvine dambudziko remakonye emudumbu, kwozoti kuvanhu inoshandiswawo semafuta ekuzora ekurapa hutachiona hweganda (skin infections).

Mushonga uyu unoshandiswa zvakare kune dzimwe nyika mukudzivirira chirwere che”heartworn” kumhuka.

WHO inoti mushonga uyu unobatsira varwere veCovid-19 uye iri kukurudzira kuti urambe uchiitwa ongororo kuti uonekwe simba rawo.

Vanachiremba vemunyika muno vagara vachishandisa Ivermectin vachisanganisa neNanosilver mushure mekuona kuti zvinobatsira kudzikisa huwandu hwevanhu vanofa.

Vakanyorera zvakare kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vachiti vanogutsikana nekushandisa Ivermectin kurapa varwere veCovid-19.

“Tinogutsikana nekushandisa mushonga uyu, uyo wagara uchishandiswa kwemakore 40. Mumwe wemishonga inokosheswa neWHO uye hauna njodzi zvachose pakuushandisa. Kubvira munaNyamavhuvhu 2020, takatanga kushandisa Ivermectin tichisanganisa neNanosilver tikaona kuti unobatsira zvikuru mukurapa varwere vedu,” vanodaro vanachiremba ava.

Muchiziviso kuMCAZ, vakafanobata chigaro chemunyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Robert Mudyirandima, vanoti Hurumende yabvumidza kushandiswa kweIvermectin kurapa varwere veCovid-19.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×