Dambudziko remaronda emukanwa

Maronda  emumukanwa
Maronda
emumukanwa

SANGANO rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG), rinoti zvakakosha kuti veruzhinji vachengetedze utano kuburikidza nekudzivirira hosha yemaronda emukanwa. Mubhuku rakadhindiswa neWAG, sangano iri rinoti maronda emukanwa anorwadza zvikuru nekuti mune nyama dzakapfava uye anogona kuve mumatama, pamuromo nechekunze kana kuti pahuro.

Maronda aya anogona kukonzerwa nekuti munhu anenge azviruma panguva yekudya, kusanduka kwemahomoni emumuviri, zvikuru kuvanhukadzi, kana kuti hunenge huri hutachiona hunoita kuti ange achinyuka.

Kushandisa chikwesheso chemazino chakakwasharara kunogona zvakare kukonzera maronda mukanwa.

Kudya chikafu chichipisa zvakanyanya kunokuvadza mukanwa kuchiita kuti munge muchinhuhwa.

Vamwe vaye vanorezvana panguva yekusasana pasina dziviriro vane mikana mikuru yekuita maronda emhando iyi, zvikuru sei kana mumwe wavo aine hutachiona kana zvimwe zvirwere zvepabonde.

KURAPWA:

Zvakakosha kuderedza huwandu hweputugadzike yemhando yekofi, kudya kune masipaisi, munyu wakawanda kana michero yemhando yecitrus.

Geza mukanwa mako uchishandisa mvura inodziya ine munyu kana kuti kapu imwe chete ine mushonga unotsvindisa mukanwa unowanzowanikwa muzvitoro zvinotengesa mishonga (mafamasi) watinoti hdyrogen peroxide.

Kuti marwadzo emukanwa aderere, unogona kushandisa soda yakasan

gana nemvura inodziya mukushambidza mukanwa.

DZIVIRIRO:

Regedza kupanana tsvodo nemunhu ane maronda mukanwa nekuti pane mikana yekutapurirana hutachiona.

Bonde remukanwa rinofanira kuve nedziviriro yakasimba inodaidzwa kuti dental or gum protection. Ngwarira kuzviruma apo unotsenga chikafu.

Usasiye muromo wako uchiomerwa nekuti unotsemuka, zvikuru munguva yechando kana yekupisa kwakanyanya, nekudaro shandisa mafuta anodzivirira kutsemuka uku.

Kana maronda aya achinge anyanya, onai chiremba nekukasika paitwe ongororo nekurapwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *