DeMbare ine gomo guru rekukwira

Eddie Chikamhi

CHIKWATA cheDynamos chine gomo guru rekukwira mumitambo yasara yemwaka wa2025 sezvo chiri kurwira kuchengetedza mukombe weChibuku Super Cup pamwechete nekuti chisaburitswe muCastle Lager Premiership.

DeMbare yakafambira mberi mukuzadzikisa zviroto zvayo apo yakakunda kupinda mufainari yeChibuku Super Cup kechitatu uye kakatevedzana nemusi weSvondo wadarika. Asi nerimwe divi, chikwata ichi chakatarisana nekuburitswa muligi.

Nemusi weSvondo, vatambi vechikwata ichi, icho chiri kurairidzwa naKelvin Kaindu, vakambokanganwa nezvenhamo dzavo ndokutamba zvekusvika pakudambuka makumbo semakurwe apo vaitamba neHighlanders muChibuku Super Cup uye ndokuzohwinha kumapena.

Mutambo uyu wakange wapera uri mangange, apo Melikhaya Ncube weHighladers, uyo akapinda muchikamu chechipiri, akanwisa zvakaita kuti chikwata ichi chidzore kunwiswa kwachaive chaitwa nakaputeni weDeMbare, Emmanuel Jalai.

Zvisinei, Dembare yakazohwinha mutambo uyu 5-3 kumapena.

Mutambi weBosso wekumberi, Prince Ndlovu, akatadza kunwisa pena yake izvo zvakabva zvapa DeMbare mukana wekuti izohwinha mutambo uyu.

Sezvineiwo, Dynamos yave nyanzvi yekurova mapena mumutambo uyu nekuti yakahwinha mitambo yayo yose yeChibuku Super Cup nenzira iyi gore rino.

Temptation Chiwunga, Jalai, Felix Hammond, Tellmore Pio naAbel Gwatidzo vose vakakwanisa kunwisa mapena avo, izvo zvinotaridza budiriro yechikwata ichi, chinove chekutanga kupinda mufainari yeChibuku Super Cup katatu kakatevedzana.

Kunyangwe zvazvo Dynamos yange ichitamba zvinodakadza muChibuku Super Cup, matambiro ayo muCastle Lager Premiership ange adzikira zvakanyanya izvo zvakazoona chikwata ichi chichitora murairidzi wekuZambia uyu.

DeMbare yakapedza nguva yakabereka mwaka uno iri pasi pelog muligi iri.

Kunyangwe pari kuonekwa budiriro huru zvichitevera kuuya kwaKaindu, sezvo chikwata ichi chahwinha mitambo mishanu uye ndokuita makange miviri, chakatarisana nekuburitswa muligi apo kwasara mitambo mitatu chete yemuCastle Lager Premiership.

“Dzimwe nguva unomboshuva kuti kudai iri range riri ligi kuitira kuti tifambire mberi,” anodaro Kaindu mushure mekuhwinha mutambo wavo neBosso, iyo yaaimborairidza.

“Asi ndinorumbidza chikwata nekuda kwepatave maringe nelog.

“Pandakauya kuchikwata ichi, ndinovimba kuti mukaha wacho waive wakanyanya kukura. Zvisinei nemitambo yakahwinha, tinongoramba tiri panzvimbo imwechete. Asi iye zvino kuhwinha mutambo mumwe zvinoita kuti pave nemusiyano wakakura.

“Tichadzokera kumakwikwi eligi uye tinovimba kuti ticharamba takatarira kumberi. Zvichida chinhu chimwechete chinogona kutipa nyevenutso apo tiri kupemberera kusaburitswa muligi kutora Chibuku Super Cup,” anodaro Kaindu.

DeMbare ichasangana neBikita Minerals, iyo yakatarisanawo nekuburitswa muligi, kuRufaro Stadium nemusi weSvondo.

Ichange iri pamusha zvekare mumitambo yavo miviri yekupedzsira ichatamba neYadah neFC Platinum, apo ine tarisiro yekusimukira palog kubva panhamba 16 palog ichienda pasina njodzi yekuburitswa muligi iri.

Zvikwata zvina zvakatarisana nekuburitswa muligi mwaka uno uye DeMbare imwe yezvikwata izvi.

Kaputeni weDeMbare ari kuramba aine tarisiro yekuti matenga achavanyemwerera zvisinei nekuti anozviziva kuti vanofanirwa kurwa semvumba mumitambo yasara.

“Wange uri mwaka wakaona kana pachitariswa patiri palog, uye tinorumbidza vakomana nekurwa nesimba,” anodaro Jalai.

“Asi pane basa rakawanda rinoda kuitwa. Ndinofara nekunwisa chibodzwa ichi asi tinofanirwa kuzvipira mumitambo yeligi iri kuuya.”

DeMbare iri kuenderera mberi nekuda kunyora nhoroondo yekuhwinha mukombe weChibuku Super kakatu mushure mekuuhwinha muna2023 na2024.

Ichasangana neTriangle United, iyo yakatora mukombe uyu muna2018.

Triangle iri kutungamirirwa naGenesis Mangombe, uyo airairidza DeMbare payakasimudza mukombe weChibuku Super Cup kekutanga makore maviri adarika.

Triangle iri kudawo kuhwinha mukombe uyu kechipiri. Chikwata ichi chakakunda cheMWOS 2-0 musemi-fainari kuNgoni Staidum nemusi weMugovera wadarika, apo vatambi vanoti Witness Shave naMenford Mudzimu vakanwisa.

Vachadzokera kuNgoni Stadium nemusi weMugovera uri kutevera vachirwira kuti vasaburitswe muligi apo vachatamba neMWOS zvekare.

Fixtures:

Saturday: TelOne v GreenFuel (Ascot), MWOS v Triangle (Ngoni), Chicken Inn v CAPS Utd (Luveve), Manica Diamonds v Ngezi Platinum Stars (Sakubva), Simba Bhora v Highlanders (Wadzanayi), Herentals v Yadah (Rufaro), ZPC Kariba FC Platinum (Nyamhunga)

Sunday: Kwekwe Utd v Scottland (Ascot), Dynamos v Bikita Minerals (Rufaro)

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×