DeMbare, Kepe-kepe dhuma-dhuma

Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugosara mupinyu nemusi weSvondo uno kuRufaro Stadium apo makara asingaonane, Dynamos FC neCAPS United, zvichasangana mumutambo weHarare Derby weMatch Day Twelve.

Kare, mitambo yezvikwata zviviri izvi yaitarisirwa zvikuru sezvo kazhinji chikwata chaihwina pakati pazvo ndicho chaigona kuzotora mukombe wePremier Soccer League pakupera kwemwaka.

Asi mazuva ano masamba asiyana nekuti zvikwata izvi zviri kutatarika zvakanyanya sezvo zviri kurwira kuti zvisaburitswe muPSL.

Dynamos, iyo svondo rino yakadzinga murairidzi wayo – Lloyd ‘Mablanyo’  Chigowe – ndokumutsiva naSaul Chaminuka, parizvino ine zvibodzwa zvisere kubva pamitambo 11 uye svondo radarika yakazvambaradzwa 2-0 neTriangle United iyo yave kurairidzwa naGenesis ‘Kaka’ Mangombe uyo akadzingwawo basa kuDeMbare mwaka wadarika uchiri pakati.

DeMbare yakagara pechi16 palogo, iri pamusoro peTriangle United neKwekwe United.

Kana ikasatanga kuhwina mitambo yayo, ine mukana mukuru wekuenda kuDivision One mwaka unotevera.

Hutungamiriri hweDynamos hwakazivisa kuti svondo rino kune zvichashanduka kuchikwata ichi sezvo huri kuda kugadzirisa zvinhu kuitira kuti chisarambe chichidzikira mumatambiro acho.

Kune rimwe divi, Kepe-kepe kana kuti Green Machine nguva pfupi yadarika yakashandura murairidzi wayo sezvo matambiro aiita chikwata ichi, icho chairairidzwa naLloyd Chitembwe, akange asiri kufadza.

Chitembwe akazotsiviwa naIan Bakala uyo akarairidza mutambo wake wekutanga svondo radarika apo Green Machine yakaita mangange 1-1 neHerentals.

Chikwata chaBakala parizvino chakagara pechi14 palogo rePSL, chiine zvibodzwa 9 kubva pamitambo 11.

Nerimwe divi, chikwata chiri kutungamira muPSL cheMWOS FC chichange chiri pamusha kuNgoni Stadium musi weMugovera apo chichasangana neKwekwe United.

Vakomana vaLloyd ‘Samaita’ Mutasa mwaka uno vari kunetsa kukunda sezvo vasati vambokundwa.

Mitambo yeMWOS iri kuti kunyangwe iome sei, chikwata ichi chiri kuzongotsvaga nzira yekuti chihwine mitambo yacho kana kudzoka kubva kumashure voita mangange.

Svondo radarika, vazhinji vaifunga kuti MWOS icharikitwa neTelone iyo yakambotungamira, asi yakarwa semvumba ndokuita mangange mutambo uyu ukapera uri 2-2.

Shasha dzePSL, Simba Bhora ichange iri pamusha kuWadzanayi Stadium, kuShamva uko ichasangana neTriangle United.

Svondo radarika, Simba Bhora hazvina kuifambira zvakanaka apo yakasangana neScottland iyo yave kurairidzwa naTonderai Ndiraya sezvo yakarakashwa 2-0.

Scottland, iyo iri kudzingirirana neMWOS pamusoro pelogo rePSL, iri kunanga kwaMutare kunosangana neManica Diamonds nemusi weMugovera uno.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×