Mabvazuva Choral yadzoka nemutsindo

Abel Ndooka

CHIKWATA chenziyo dzechitendero chine mukurumbira cheMabvazuva Choral Group chakabura dambarefu rechisere rinonzi Ndasunungurwa iro chinoti chine tarisiro huru yekuti richabatsira kutendeutsa veruzhinji.

Dambarefu iri rine nziyo nhanhatu uye dzimwe dzacho dzinotaridza kuti dzakatogamuchirwa kare nevatsigiri vemhanzi idzo dzinosanganisira Ndausungurwa, Njere DzaSolomon naNdokumbira Sununguro.

Muhurukuro nemutungamiri wechikwata ichi – Muvhangeri Darlington Shungu Chizondo – anoti donzvo ravo kutendeutsa vanhu muZimbabwe nepasi rese kuti vazive kukosha kwekunamata izvo zvakavatuma kupinda mune zvemhanzi.

Anoti dambarefu ravo idzva iri rizere nenziyo dzinodzidzisa veruzhinji kuti vazive kuti vakanamata zvakasimba uye kushanda nesimba muhupenyu hwavo zvishuviro zvemoyo wavo zvinozadzikiswa.

“Tine mufaro mukuru kuti tadzoka zvekare mudariro nedambarefu redu idzva rechisere rinonzi Ndasunungurwa iro takabika nechinangwa chekutendeutsa veruzhinji kuti  vagouya kuna Kristu.

“Sechikwata, donzvo redu isu kutendeutsa vanhu vazive chakakoshera kunamata, naizvozvo tiri kushanda basa guru kuparidzira veruzhinji kunzvimbo dzakasiyana kuti vagoziva kuti kunamata kwakakosha,” anodaro Muvhangeri Chizondo.

Mashoko ake anotsinhirwa neimwe nhengo yechikwata ichi – Trymore Nyandiro – achiti  vaimbi vechitendero vanofanirwa kusunguka kupinda munzvimbo dzakasiyana vachinoridzamo sezvo chinangwa chiri chekuparidza shoko raMwari kuti vanhu vatendeuke.

“Isu takasununguka kuridza kunzvimbo dzakasiyana nekuti chatiri kuda kuswededza vanhu pedyo naMwari saka hakuna kwatisingapinde.

“Tikatonzwa mhanzi yedu ichirira kana mubhawa chaimo, tinotofara nekuti shoko richasvika kuzvidhakwa uye vachatonzwa zvakakoshera kunamata,” anodaro Nyandiro.

Chikwata cheMabvazuva Choral Group chinonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinosanganisira Zvifananidzo ako vakaimba naObert Chari, Zororo Kudenga naBaba Vanozvigona.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *