‘Vechidiki musagarire maoko’

Abel Ndooka

MUZVINABHIZIMISI wechidiki ari kusimukira – Tawana Mavhundura – okurudzira vamwe vechidiki kuti vasagarire maoko avo asi vamashandise kuita mabindauko akasiyana-siyana anounza pundutso inokwanisa kuvawanisa raramo.

Muvhundura, uyo ane makore 21 ekuberekwa, ane kambani yake inonzi Muphael Feeds iyo inogadzirira chikafu chezvipfuyo zvinosanganisira huku, nguruve nemombe.

Muhurukuro neKwayedza, Muvhundura anoti chakamutuma kupinda mubhizimisi iri kuzvipira kushanda nesimba uye kuda kuona pundutso muhupenyu hwake pamwe nekusimudzira vamwe vechidiki.

“Kutanga bhizimisi hachisi chinhu chiri nyore sezvo zvinotoda hushingi, naizvozvo munhu unotofanira kushanda nesimba uye wakazvipira pabasa raunenge uchiita.

“Ndinoda kukurudzira vamwe vechidiki vakaita seni kuti ngatishande nesimba, tishandise maoko edu nepfungwa dzedu, kune zvakawanda zvekuita izvo zvekuti takazvipira tinoita mari toraramisa mhuri dzedu kwatakabva uye nekusimudzira nyika yese.

“Ngatisaswera tichiita zvekudhakwa nekuti mukudhakwa hamuna zvinobuda, tinenge tichitongotambisa nguva pasina kwatiri kuenda,” anodaro Muvhundura.

Anoti kambani yake ine chirongwa chairi kuita chekubatsira vechidiki vanenge vakanganiswa nekutora zvinodhaka kuburikidza nekudzidzisa vechidiki.

“Tiri panhau yezvinodhaka, zvakanganisa hupenyu hwevechidiki vakawanda saka iniwo ndakatora chikamu chekubatsira vechidiki vanenge vanyudzwa nezvinodhaka kuvabvisa imomo tovapinza mabasa kuti vawane zvekuita.

“Vechidiki havafanire kusiiwa vari vega nekuti vanopedzisira vakanganisika saka tinovadzidzisa mabasa akasiyana tovarumura kuti vachinozvimirira vega izvo zvinotobatsira kusimukira kwehupenyu hwavo,” anodaro.

Muvhundura kana asiri kuita zvebhizimisi rake anenge ari kuZimbabwe Ezekiel Guti University (ZEGU), kuBindura uko ari kuita zvidzidzo zvehugweta.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *