DeMbare yorongera Makepekepe

Abel Ndooka

HAKUDANWI anonzwa nomusi weSvondo uno kunhandare yeRufaro, muHarare, apo zvikwata zvinoti CAPS United neDynamos FC, izvo zvakarimirana kumuganhu, zvichasangana muHarare Derby.

Mutambo uyu ndiwo unenge uri mukuru muCastle Lager Premier Soccer League (PSL) matchday 29.

Kuzvikwata zviviri izvi, mutambo uyu wakakosha zvikuru nokuti zvose zviri kutambira kuti zvisaburitswe muPSL pakupera kwemwaka wegore rino.

Chikwata chaIan Bakala, CAPS United, icho chichange chiri pamusha svondo rino, chakagara pechi13 palogo chiine zvibodzwa 32 kubva pamitambo 28.

Kuchiti DeMbare, iyo iri kutungamirirwa naKelvin Kaindu, yakagara pechi16 iine zvibodzwa 29 kubva pamitambo 28.

Izvi zvinoreva kuti zvikwata zviviri izvi zvichatamba kusvika pakudambuka makumbo semakurwe sezvo zvose zvinoda kuhwinha kuti zviwane zvibodzwa zvitatu, zvigosimukira palogo rePSL.

Pazvakambosangana mwedzi yadarika mumutambo wokutanga, uyo waive kuRufaro zvakare, apo DeMbare yaive iriyo iri pamusha, mutambo uyu wakapera uri mangange 1-1.

CAPS United

Mumitambo yazvo, yazvakapedzisira kutamba yePSL, Makepekepe yakaita mangange 0-0 neHerentals College, DeMbare ikaitawo mangange 0-0 neTriangle United.

Scottland FC ichisangana neManica Diamonds musi weChishanu chino uyo uchave mutambo wokutanga wematchday 29.

Scottland FC iri kudzingirirana neSimba Bhora muhondo yekurwira mukombe wePSL wemwaka uno uye pari zvino Mabviravira yakagara pechipiri palogo iine zvibodzwa 53, ichitevera Go Buju Go (Simba Bhora), iyo iri pamusoro, iine zvibodzwa 55.

Mabviravira ine mukana wokuenda pamusoro pelogo, ndokunge yakunda Manica Diamonds svondo rino, yombopagarawo panyanga kwekanguva, sezvo Simba Bhora pari zvino isiri kutamba mitambo yePSL.

Go Buju Go iri kutamba mutambo weCAF Champions League preliminary                                              round, apo ichasangana neNsingizini Hotspurs yekuEswatini.

Yaimbove shasha yePSL, Ngezi Platinum Stars (Madamburo), ichange iri pamusha musi weMugovera ichitamba neHerentals                                       College. Nerimwe divi, Highlanders (Bosso) ichange iri pamba payo kuBabourfields musi weSvondo ichitatsurana neZPC Kariba.

MWOS FC, iyo iri kutamba nhabvu inonwisa mvura mumwaka wayo wokutanga muPSL, iri kunanga kuAscot Stadium musi weSvondo, uko ichanosangana neKwekwe United.

Kwekwe United, kunyangwe ikahwinha mitambo yayo yose yasara yePSL, hazvichabatsiri chinhu nokuti kusvika pari zvino chikwata ichi changokwanisa kuwana zvibodzwa 10 chete kubva pamitambo 28.

Izvi zvinoreva kuti Kwekwe United ndiyo ichaita chikwata chokutanga kuburitswa muPSL mwaka uno.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×