Musambo weChimurenga worumbidzwa

Weedman Mtanga akabata dambarefu rake idzva.
Weedman Mtanga akabata dambarefu rake idzva.

MUMWE muimbi ari kusimukira, Weedman Mtanga (44), anoti musambo weChimurenga wakakosha zvikuru mukuumbiridza tsika nemagariro evanhu vatema. Mtanga (44), uyo anogara kuMabvuku, muguta reHarare akabura dambarefu rake rechina rinonzi Chimurenga Ressurection 1.“Iri rave dambarefu rangu rechina uye ndakapinda munyaya dzekuimba mushure mekuona kukosha kwekuimba uko kwaiitwa nemukoma wangu uyo ave mushakabvu – Mike Mwale – aimboimba naThomas Mapfumo. Mukuimba musambo weChimurenga, tinoshandisa mbira, ngoma, hosho, magitare nezwi rakakwenenzverwa izvo zvakakosa zvikuru mutsika nemagariro edu sevanhu vatema,” anodaro Mtanga.

Dambarefu remuchinda uyu rine nziyo pfumbamwe dzinoti Mwari Wakanaka, Vana Vapera, Tarira, Nhamo, Simukai, Chirimunyemba, Wako Ndewako, Maidei naMambo.

“Pane kambo kanonzi Mwari Wakanaka ndinoda kuratidza kuti kunyangwe tichiimba nziyo dzechivanhu Mwari vari kudenga vanokudzwa nemasvikiro epasi. Kuchizoti mune kanonzi Vana Vapera ndinoreva kupera kuri kuita vanhu nekuda kwechirwere chegomarara uyewo nekuti patorwe matanho akasimba kuti varwere vayamurwe,” anodaro.

Anoti pakarwiyo kanonzi Maidei anoimba pamusoro pekurwadziswa kunoitwa vanhu murudo apo vanonyengedzwa nevadikani vavo vavanenge vakaperera pavari.

Mamwe madambarefu matatu aakabura mumakore adarika anoti Vana Vapera, Mandiurayisa naNgoma Yorira.

 

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×