DETEMBA TINZWE: DZINONGOVA NDANGARIRO

naSharmaine Makona

Zuva nezuva dzingori ndangariro,

Parinobuda neparinopindira munamai varo,

Pataikuudza waiti takuramba

Uchida kuzviitira hwako upenyu usina anotsiura.

Paya pataiti tikupewo mazano iwe waiisa dzako,

Nzeve zvitanda nokuda kuzviitira hwako,

Usina anovhiringa,

Nhasi ndopawotifunga uchitiudza,

Makunun’unu maodzamwoyo ehwako upenyu,

Takakusiya tichiti tichaona kunowira tsvimbo nedohwe.

Zvino nguva yapera wochiti kwanyanu,

Semvura yehore,

Raramo yako yoshaya kurongeka, zvako zvokuomera sokunamata,

Ropamuromo wako rongove dai ndakaziva.

Zuva rakasikwa naMwari roga roga,

Dzinongova ndangariro dzisina magumo,

Yongove dai ndakaziva ndakanwa mabhuku,

Nokuti vehukama vako vose vatove vamupangami.

Dzimwe pfungwa dzongova dzokuti,

Dai ndakateerera pandaibairwa zanhi,

Kuti ndiite mabasa anozondiraramisa,

Zvemwe dai urimuneumwe upenyu.

  • Sharmaine Makona anodzidza muForm 4 paSeke 6 High School, kuChitungwiza.

MAONERO:

Iyi inhetembo inotaura nyaya inorwadza zvikuru, nyaya yekusaterera, nyaya yekudemba nekukungura. Dingindira rekukungura iri riri kubva ranyatsozadzisa musoro wenhetembo yaSharmaine unoti “Dzinongova ndangariro.” Nyakusaterera chaasara nacho dzangova ndangariro dzezvaaiudzwa kuti zvimubatsire muhupenyu, asi iye akasazviita kana kuzviterera.

Ndinoona kuti zvizhinji zvingadai zvanyorwa nanyanduri wedu akasununguka, asi kuda kushandisa hochekoche nemabvumira kwaita kuti nhetembo yake ive muranda. Inguva zhinji dzandinoona kuti zvimwe zvidavado sezvemabvumira ari kunoperera mitsara zvinopedzisira zvave kuita kuti nyanduri angoita mazwi ekukokotedza kuti ashande paari kuda kuti ashande, asi dzimwe nguva zvichifanana nekupfekedza kamwana kadiki zijasi guru rasekuru.

Saka pamwe iwe dzimwe pfungwa dzako dzanga dzichizonzwika sekuti hauna kunyatsoburitsa zvawanga uchida sepawati:

Paya pataiti tikupewo mazano iwe waiisa dzako,

Nzeve zvitanda nokuda kuzviitira hwako,

Kana ukazvitarisa, hongu dzako nahwako ndiwo mazwi awada kuti aburitse mabvumira, asi mutsara unoti, “. . . kuzviitira hwako” uri kuratidza kuti hazvisi kunyatsojekesera vaverengi kuti wanga uchida kuti kudii.

Ndima yechipiri iri kutaura pachena kuti vekubatsira vakaita pavo. Vakaedza kupa mazano, asi mazano iwayo haana akateera. Chidavado chaashandisa apa chakanaka, nekuti adzokera kumashure kuitira kuti agotibatsira kuti tizive nekunzwisisa zvimwewo zvakamboitwa kuti munhu ari kuudzwa uyu abatsirikane. Saka izvi zvinoita kuti tisvike pekuti tibvunze kuti saka chii chaipa nhasi? Ndipo pari kutaurwa kuti nhasi munhu uye ave kufunga vanhu vaakarega kuteerera, uye ave kuvaudza zvakadzama nezvinorwadza zvehupenyu hwake.

Ipapa ndanga ndichitarisira kuti nyanduri achashandisawo tsumo dzakaita sekuti: Yedeuka yadeuka, mvura yeguchu haiworerwe; Kuyeuka bako wanaiwa. Asi zvisinei, atiudza kuti vanhu vakazorega kubatsira ndambakuudzwa iyi, kuti vagoona kwazvinoperera.

Kwazvinoperera ndipo panzi, “Zvino nguva yapera wochiti kwanyanu . . .” Apa pagonekwa nekuti pave kuratidza munhu ave kuda kugadzirisa zvinhu asi anonoka. Ndizvo zvaita kuti ati, “Repamuromo wako rongove dai ndakaziva.”

Ndinoona sekuti dai nhetembo iyi yaperera pandima yechitatu nekuti ndima yechina neyechishanu dzave kungodzokorora zvatambonzwa, uye nhetembo hadzizodi kuti ubva wanyanya kutsanangura zvakanyayisa.

Chenjerera mashandisiro aunoita zvimiso nezviperengo zvacho. Pamwe wanga uchiita kuti nhetembo yako inetse kuverenga nekuda kwaizvozvo. Ramba uchinyora, zvinoita.

. [email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×