‘Mukadzi wangu anobata-bata’

Janet Chikotosa
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achinzi ari kumushungurudza akati anorova pamwe nekutuka mukadzi uyu nekuti haachamuda sezvo achibata-bata mishonga yakaipa.

Nancy Mapinge akazvuvira John Mutasa kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

“Baba ava vanondinyepera zvakawanda nekundishungurudza. Tichiri kugara tese asi zvangova zvezita nekuti kuwirirana kwava kunetsa pakati pedu.

“Anondirova, kundituka nekunditi ndiri muroyi.

“Ava kungofunga zvekuti ndibve pamba patiri kugara tese nekuti akandirongedzesa mabhegi kuti ndiende kumba kwedu kasingaperi.

“Ndikaramba kurongedza mabhegi iwayo ndipo paanondirova nekunditukirira chero pane vanyarikani. Hama dzangu chaidzo dzikauya pamba anodzinga,” akadaro Mapinge.

Mutasa akabvumirana nemhosva yaaipihwa yekushungurudza mukadzi wake achiti anoda kuti abve pamba apa sezvo asisamude.

“Mukadzi uyu ndiri kufunga kuti anoda kundipfuudza kana kuti pane zvimwe zvaanoda pandiri. Kumurova zvese nekumutuka ndinoita nekuti handichamudi. Ndakamurongedzesa bhegi kuti abve pamusha nenyaya yekuti ndakamuwanikidza aine mushonga wechivanhu mumba saka ndaida kuziva kuti unoshandei ndosaka ndichigara ndichimurova.

“Ndakamuti handei kunobvunzira kuti mushonga wandakumuona ainaye waiva wei asi akaramba.

“Kwandiri zvinoreva kuti mushonga uyu waida kushandiswa pandiri.

“Handigari nemukadzi anobata-bata mushonga ini, ngaagare aenda zvake,” akadaro Mutasa.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Mapinge gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane murunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×