naTinovimbanashe Ngwaru
NDIKAKUTAURIRA ikozvino haungazvibvumi,
Kuti sekuru vako ndipeta muswe seimbwa,
Ndichifamba ndauna semukwasha patezvara.
Nguwani ndakatyorera muhapwa semunyayi,
Asi mazino ndakachenama, kuedza kusekerera.
Kukudza nhasi uno hauzvinzwisisi
Kuti uni sekuru vako ndaive imbwa yemumwe,
Mumwe murume mudiki pandiri pazera,
Murume aindidaidza achiti “Boy”.
Kunge ndine mukaka pamhino, asi ndiri saimba.
Kuzvitaura nhasi iwe ungatoti inyambo
Kuti ndaizvininipisa kudai
Mumaoko ndakabata chumi
Chumi yemutero weimbwa
Mari yandishupika kuwana
Ndichitsvinyirwa asi ndichimupfumisa.
Hadzisi nhema
Ndaibhadhara mutero memombe
Mutero weivhu ramadzibaba angu
Mutero wekuti ndiri kurarama
Yose iri mitero yokutsigira hugaro hwake
Yake homwe ichifema rangu dumbu rakati svapata.
Asi achingoti “Ungodei bhoyi-I”
. Tinovimbanashe Ngwaru ari muGrade 7 paMarikopo Primary School, kuDema kwaSeke.
MAONERO:
Nhetembo iyi ndaifarira nekuda kwekuti inodzokera kuzviitiko zvenguva dzakare varungu vachidzvanyirira vanhu vatema. Zviitiko izvi zvakakosha kuti zvitaurwe, nekuti vana vazhinji vakazozvarwa mushure mekunge tawana rusununguko muna 1980 havazvizive kana kuzvigashira sechokwadi. Chinova ndicho chinhu chagonekwa nanyanduri wedu nhetembo yake musoro wekuti, “Hadzisi nhema.”
Uyu musoro unosimbisa kuti zvaari kunyora zvinhu zvakanga zvichiitika, nyangwe zvichiita sekuti inhema.
Asi ndisati ndapinda munhetembo iyi, handina kufara nemhosho dzakawanda dzirimo.
Handichaziva kuti imhosho dzanyanduri here kana kuti dzemunhu akataipa nhetembo, asi zviri kuita kuti nhetembo iyi irasikirwe nezvinhu zvakakosha zvikuru zvayanga ichida kutaura. Mhosho idzi dzinobuda sepanonzi, “Kuti sekuru vako ndipeta muswe seimbwa.” Ndinofunga kuti paida kuti, “ndaipeta.”
Mhosho yakadai inobva yakanganisa mutsara wese, nendima yese. Asi chakakosha chiri kuburitswa nanyanduri mundima yekutanga iyi, huranda hune murume mukuru ari kuzvininipisa sembwa zvekuti kuzvininipisa kwacho kunorwadza nekuti hakusi kwechokwadi. Izvi zvinobuda mumutsara waanoti, “. . . mazino ndakachenama, kuedza kusekerera.”
Saka kuchenama nekusekerera uku hakusi kwechokwadi, kumanikidzira kuti zvinhu zviite sezvakanaka.
Ndima yechipiri yakanaka, asi ndinofunga kuti ingadai yanyatsosungwa kuti irege kuwanza mashoko nekudzokorora zvinhu. Uyewo ndima iyi ichiri kusangana nedambudziko rekukanganiswa nezviperengo.
Asi imo mundima iyi ndimo maburitswa zvinorwadza zvaisanganikwa nazvo nevatema vachishandira vachena.
Ichokwadi kuti munhu mukuru aimhanyiswa nemwana mudiki achinzi “boy” uyezve vanhu vatema vaishungurudzwa nekuripiswa mitero yakasiyana-siyana kusanganisira mitero yembwa.
Ndima yechitatu yapfuurira mberi nekutsanangura mimwe yemitero yaibhadhariswa vanhu vatema.
Asi semune dzimwe ndima, nyaya yezviperengo kana kutaipa kwakakanganiswa iri kuita kuti nhetembo isabude zvakanaka. Mundima iyi mataurwa mimwe mitero yakawanda yairipiswa vatema – kusanganisira mitero yevhu remadzitateguru avo. Izvi ndizvo zvinozoita mazita anozopihwa vaRungu ekuti vapambepfumi, vadzvanyiriri, vapambevhu nemamwe.
Nhetembo iyi yakanaka, uye inodzidzisa nekuyeuchidza nhoroondo yakakosha yave kukanganwikwa nevechidiki. Asi kukanganiswa kwezviperengo kana kuti kwekutaipa ndiko kwaidzosera kumashure.




