O-LEVEL: MUSEVE USINGAPOTSI/SHOKO HARIVHIKWI … Pondai anopanduka

Madingindira (Enderero mberi):
Mambo Chakaingesu vanodzidzisa Karinge kudeketera midzimu zvinoita kuti vapandukirwe naPondai achinotsvaga hondo yekuvapamba umambo nekuti aisada kuti Karinge adzidziswe zveumambo sezvo ari iye aida kuhusiirwa. Zvemidzimu zvinojekeswa naMambo Chakaingesu vanokumbira kuvadzimu vavo kuti vachengete Karinge musango maaienda kunovhima nevamwe. Izvi zvinoita kuti asauraiwe naTafirenyika mwanakomana waPondai pavaivhima vari musango.

Mubhuku umu mune dingindira reupambi, rinozadziswa naMambo Mupambi vaipamba mamwe madzimambo vachitora pfuma.

Izvi zvinobuda pavanopamba madzimai nemombe kwaMambo Mushoshoma uye hanzvadzi dzaKaringe. Nyaya yeupambi inojekeswawo naPondai uyo anopamba umambo hwaMambo Chakaingesu mushure mekukoka hondo yaMambo Mupambi kuti izovarwisa.

Pondai anoronga zvekuti mwanakomana wake, Tafirenyika auraye Karinge vaenda kunovhima kuitira kuti asare achipamba umambo hwababa vake, VaChakaingesu.

Murungano urwu mune dingindira rehondo. Rinozadziswa nehondo inorwiwa naMambo Chakaingesu nevarwi vaMambo Mupambi. Izvi zvinobuda Pondai paanonokoka hondo yaMambo Mupambi yakazorwisana nevarwi vaMambo Chakaingesu zvinokonzera kuuraiwa kwaMhosva.

Tinopfuurira mberi svondo rinouya.

. (Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level)

 

MUBVUNZO nemhinduro yesvondo rakapera:

1. Solomon H. Munorevesa anofarira dingindira rerayiro mukudetemba kwake. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Mubvunzo uri kuda kuti mudome rayiro mopa tsigiro dzinobva munhetembo (5) chete dzaSolomon H. Munorevesa.

Nhetembo dzacho ndeidzi; Ukama, Tauriranai Zvipere, Vazukuru, Zvenzwisa Regai naNzwisa zvekare.

Mudetembo Ukama, nyanduri anorayira vanhu zvinhu zvakanaka zvinotarisirwa paukama zvakaita sekubatsirana parufu sepaanoti, “Ukama, ndiko kuchemana panhamo.” Nyanduri anotirayira kuti mukufara hama dzinofanira kuramba dzakabatana dzichiita muonerapamwe sepaanoti, “Ukama ndiko kufara nokupembera pamwe chete.”

Muna Tauriranai Zvipere, nyanduri anorayira vanhu vari kurwa kuti kuonesana ndiyo nzira inoita kuti vagare zvakanaka sepaanoti, “Mutambaratede uripo chete mukunzwanana matama.” Nyanduri anorayira vanhu vari kurwisana achiti ngavarege zvekurwa vaite mushandirapamwe sepaanoti, “Regai zvomusara izvo mubate pamwe.”

Mudetembo retatu rakanzi Vazukuru, nyanduri anorayira vazukuru vake kuti ngavatererewo pfungwa dzavanoudzwa nevamwe sepaanoti, “Mazano marayanwa vazukuru.” Nyanduri anodzidzisa vazukuru vake kuti pamazera avari akambopfuurawo nepo saka ngavamutererese sepaanoti, “Takabva nako kumhunga hakuna ipwa.”

Mudetembo Zvenzwisa Regai, nyanduri anorayira vakomana nevasikana kuti varege kuita zvebonde nevanhu vakasiyana-siyana nekuti zvinouraisa sepaanoti, “Vazhinji kwazvo vakaufira mukombe wenzwisa.” Nyanduri anorayira vakomana nevasikana kuti zvebonde hazvimhanyirirwe nekuti nguva yazvo inouya sepaanoti, “Richazongosvika zuva resvitsa.”

Mudetembo rekupedzisira rakanzi Nzwisa Zvekare, nyanduri anorayira vakomana nevasikana kuti ngavateramire nekuti nguva yekuita zvebonde ichasvika sepaanoti, “Mirira zvako, nguva haiori senhanga.” Nyanduri anorayira vakomana nevasikana kuti vasiye zvebonde nevanhu vakasiyana sepaanoti, “Dai mairega zvenyu nzwisa.”

Dzimwe nhetembo dzanyanduri uyu dzine dingindira rerayiro ndeidzi; Kuroora naUnoitei?

Tangai kuita mubvunzo unotevera:

2. Alex Chirumbwana anofarira kuyemura upenyu hwezvisikwa nemararamiro azvo. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake ina dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

  • (Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition)

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×