VAIMBI navana nyanduri vanokurudzirwa kuti vave nehunhu hwakanaka uye kupa mucherechedzo unoyemurika kune veruzhinji sehwaro hwekubudirira kwemabhizimisi avo.
Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera naMai Mirriam Murenga, vanove channel manager kukambani yeSchweppes Zimbabwe Limited, apo vaitaura vari kumahofisi eZimbabwe Germany Society pamusangano wavakaita nevaimbi navana nyanduri vechikadzi.
Musangano uyu wakaitwa pasi pechirongwa cheWomen’s Arts Festival (Wafest) icho chaitsigirwa nesangano reCulture Fund pamwe nekambani yeSchweppes.
“Tine chido chikuru chekuti tinge tichitsigira vaimbi navana nyanduri vemuno. Asi tinoda zvikuru kushanda nevanhu vanozvibata. Kune vamwe vaimbi vanoita mabasa akaipa zvekusvika pakubuda mifananidzo yavo mumapepanhau vasina kusimira zvinova zvinobvisa chimiro chebasa ravo pamwe nevatsigiri.
“Vanenge vakundikana kuzvibata isu hatikwanisi kushanda navo nekuti zvinokanganisawo zita rekambani yedu,” vakadaro Mai Murenga.
Vakati kana vaimbi vakagona kuzvibata, kushanda nesimba, kuimba zvine hunyanzvi nekuzivawo huwandu hwevanhu vanopinda mumashoo avo uye mari yavanowana, zvinobatsira kuti bhizimusi ravo ribudirire.
“Kune vamwe vaimbi vane katsika kekusiira basa rekubata mari kuna maneja vasingazive kuti mari ine miyedzo. Iwe semuimbi ivawo neruzivo rwako rwemafambisirwo ari kuitwa mari yebasa raunobata.”
Zvisinei, vamwe vaimbi vakadai saEdith WeUtonga Katiji vakapawo chichemo chekuti kudai vatsigirwa nemari yakawanda sezvinoitwa vanobva kune dzimwe nyika vachiuya muno.
“Chimwe chinhu chiri kuita kuti titadze kubudirira inyaya yekuti panouya vaimbi vekunze, vemakambani vanovapa mari yakawanda asi isu topihwa shoma izvo zvinoita kuti tirambe tichiita setisina kurongeka. Nedzimwe nguva isu vemuno tinenge tichitogona kudarika vabva kunze ava,” akadaro Edith.
Mashoko ake aya akatsigirwa nevamwe vaimbi vaivepo avo vaisanganisira Selmor Mtukudzi naKessia Magosha.
Pamusangano uyu, vamwe vaimbi vakashorwawo nekusazadzikisa mashoo avanenge vavimbisa pamwe nekusakoshesa nguva yavanenge vati vachatanga mashoo.
Wafest chirongwa chevanhukadzi vanoimba, vananyanduri uye vanyori vemabhuku icho chakaparurwa mugore ra2013.
Bira guru reWafest richaitirwa muHarare Gardens musi wa14 Mbudzi gore rino.




