DETEMBA TINZWE: Kubatana ngatibatane

naTakudzwa Wonder Jr Kasimonje

Shoko harivhikwi

Chinovhikwa chibhakera

Kubatana kunounza

Humwechete nerugare

Ngatibatanei mune zvese

Tive nebudiriro nerugare

Rusununguko kusununguka munezvose.

Magariro

Upfumi

Dzidzo

Utano

Rusununguko kubatana

Tose ngatibatanei

Zvisinei nekusiyana

Pfungwa, makanda, zvimiro neupfumi

Haibudirire nyika

Neruvenge neundingoveni

Kubatana ndiyo nzira yega

Yakatambanuka

Isingawanikwi makata

Vatengesi imi

Zivai kuti nyika haitengeswi

Semadomasi pamusika

Ngatiti tana kuramba

Kupesaniswa nevapesanisi

Muvengi ngaashaye zano

Isu tiramba takabata

Sesvinga rehuni

  •  Takudzwa Wonder Jr Kasimonje ari muForm 3 paGoromonzi High School.

MAONERO:

Hazvina kana mubvunzo kuti nyanduri wedu anogona here kana kuti kwete! Apa pabatwa basa, uye pakaburitswa pfungwa huru kwazvo dzinotoda kuwedzerwa paNational School Pledge! Wagona Kasimonje. Matingindira ako, matingindira ekuvaka nekusimudzira nyika, uye nezera rako une pfungwa dzakadzama nekukosha kwazvo. Nyangwe tikatarisa zvinhu zvinokosheswa nerwiyo rwedu rwenyika, “national anthem,’ wazviburitsa munhetembo yako, asi nemutoo wako wega.

Asi musoro wenhetembo yako waita sekuti wanga usina chokwadi kuti uri kuda izwi ripi chairo. Kushandisa mazwi aya ari maviri sezvawaita uchiti, “Kubatana ngatibatane,” hakuzonyatsopa vaverengi chokwadi chekuti wanga uchida kusimuka here kana kugara, kunyanya kana usina kuzoisa nyora dzekutura befu kana kufema.

Waita zvimwe chete mundima yechipiri pawati, “Rusununguko kusununguka mune zvose.” Dai waisa comma pakati ‘parusununguko’ na ‘kusununguka’ zvaibva zvatibatsira chaizvo nekuti anoverenga haarasike.

Chii chaita kuti ndifarire nhetembo yako, tisiri kutarisa zvezviperengo nezvimiso netumwe tumhosho tudiki? Nhetembo yako haitambise mazwi ichitenderera kutaura twusina maturo.

Nhetembo yako inobva yangoti nemazwi mashoma ga, ga, ga. Uku ndiko kugona kunyora nhetembo, kwete zvekuswerowanza mashoko neruzha.

Wanga uchiti ukataura pfungwa, wanga usingaisiire panzira, asi uchibva waitevera kuti ibva yaita kuti nhetembo yako inyatsosunga tai nekupfeka bhachi.

Muenzaniso ndewekuti, wataura kuti “Shoko harivhikwi,” mumutsara unotevera ukabva watiudza kuti chinovhikwa chii. Apa wagona nekuti waratidza kukoshesa kwako shoko rinouya nenhetembo nebasa rako sanyanduri/semudzidzisi kubva kwekutanga. Uri kuratidza kuti kurwa tichishandisa nenhetembo imhando yekurwa kwakakosha.

Waramba wosimbisa dingindira rako rekubatana zvekuti ndazonakidzwa nekunyora kwako uchishandisa fananidzo sepatinonzwa uchitsiura vatengesi kuti nyika haitengeswe semadomasi pamusika.

Ichokwadi kuseka tinoseka nekuda kwemashandisirwo aitwa mutauro, asi chiripo chinhu chakakosha chiri kubatwa nanyanduri.

Ari kuti kune vatengesi nevamwe vanopesanisa — vanhu ivavo ngavachenjererwe. Izvi zvinoita sekuti nhetembo iyi iri kudaira rwiyo rwenyika paye panonzi, “Tiidzivirire kubva kumhandu dzese.”

Pasina zvapo zviperengo zvakakanganiswa pamwe chete nekumbokanganwa kuita “punctuation,” ndinokupa sando dzako!

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×