Vamwene vodzinga muroora pamusha

Yvonne Manyanja
VAMWENE nemuroora vakakandirana mashoko makobvu nematete mudare redzimhosva apo muroora aipomerwa kuti akaisira mwana wavo muchetura mune zvekudya nekudaro anofanira kututa twake odzokera kumusha kwake.

Sarudzai Mupambwa akamhan’arira muroora wake, Cynthia Mushonga, kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza nekudaro anoda gwaro redziviriro pamwe nekuti abve pamusha pake.

“Chikumbiro changu chikuru ndechekuti muroora wangu uyu abve hake pamba pangu nekuti anofamba achitaura zvinhu zvandinenge ndisina kutaura kuhama dzangu achiti ndini ndakamudana kuti agare pamba pangu.

“Pamusoro pacho, anogara achirwa nemurume wake vokuvadzana. Musi uno akaisira mwana wangu mushonga, izvi ndakazviona pandakabva kumusha kwangu ndaudzwa kuti mwana wangu akanga arwara asisagone kutaura mushure mekunge adya chikafu chaakanga abika,” akadaro. Anoti paakasvika kuzoona mwana wake airwara, haana kumbotambirwa nemufaro nemuroora wake sezvaaisimboita.

“Muroora wangu akabva anozvivharira mumba make. Ndakaudzwa nemwana wangu kuti ane mushonga waakapihwa naamai vake asi pandakamubvunza akati akaurasa. Ishe wangu, takapopotedzana kuti aigorasa mushonga uyu asina kutiratidza sei. Saka ndave kuda hangu kuti mwana uyu atute twake abve hake pamusha wangu,” akadaro Mupambwa.

Mushonga akapokana nezvakange zvataurwa navamwene vake achiti vanomunyepera kuti anoda kuuraya mwana wavo.

“Handirambi hangu chikumbiro chavo chegwaro redziviriro. Asi chekubva pamba changa chakanaka dai murume wangu anga ari pano achitaura kuti anowirirana nazvo here. Kutaura kudai changamire handizivi kuti murume wangu akaendepi asi akambondiudza achiita sekutamba achiti akange audzwa naamai vake kuti anditize.

“Saka ndakazoshamisika mumwe musi ndabva kunotenga matomatisi ndakawana atuta mbatya dzake dzose. Mumwe musi zvakare vakanyepa kuti ndiri kuvatadzisa kugara zvakanaka ndikabva ndarohwa nemurume wangu,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Mupambwa gwaro redziviriro asi ndokurasa chikumbiro chekuti Mushonga adzingwe pamusha achiti vamwene vake vanofanira kuenda kudare rinoona nezvenyaya dzakadai.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×