naNaome Nyamadzawo
Veduwe miti yakakosha zvikuru.
Pasi pasati parohwa nenyundo, mishonga yaibva kumiti.
Nanhasi mishonga inobva kumiti tozvirapa.
Chipiyaniso chakarowerwa Jesu chakabva pamuti.
Mhepo inofefetera tinoiwana kumiti.
Miti yakakosha veduwe.
Michero inovavira nokutapira inobva kumiti.
Iyo michero tinotengesa tova nemari toinda kuzvikoro.
Kuti ivhu risakukurwa miti inochengetedza ivhu redu.
Muto vekugadzirisa rabha unobva kumuti.
Iyo miti pachayo inotivharidzira kumhepo yamavhuvhu.
Miti inoshongedza nyika yedu kuti iyevedze.
Shiri dzesango, nyoka nezvimwe zvinogara nokutandara mumiti.
Matanga anogadzirwa nematanda kubva mumiti.
Dzimba dzedu tinopfurira tichishandisa nhungo nembariro.
Nhungo nembariro zvinobva pamiti.
Miti inotipavo mirivo kubva kuharati nemagandari
Wurimbo rwekubatisa shiri rwunobva kumiti
Makavi ekusungisa tinoawana kubva kumiti.
Machira emakavi (magudza) kubva pamiti.
Iro jenamuponesi ringadyiwa pasina huni here?
Muchando ungadziya moto here pasina huni?
Veduwe miti yakakosha ngatidzvare nekuichengetedza.
. NaNaome Nyamadzawo ari muGrade 7 paChivake Primary School, Gutu Mupandawana, kuMasvingo.
MAONERO:
Chandafarira munhetembo iyi kuita tsvakurudzo pamwe nekunyatsofunga zvakadzama pamusoro pemabasa emiti akasiyana-siyana kwaita munyori wedu. Ndagutsikana kuti zvechokwadi mabasa mazhinji anoshandiswa miti anyorwa munhetembo iyi zvekuti inobva yanyatsodzidzisa nekuratidza kukosha kwemiti.
Zvimwe zvezvinhu zvatadzidziswa zvinobva mumiti ndezvinoti: Mishonga, kuveza, mhepo yakachena, michero, mari, kuchengetedzwa kwevhu, misha yezvipuka, makavi, hurimbo nehuni.
Ndima yekutanga yaratidza kuti munyori akazozviona kuti haisi nguva yepasichigare chete yaiwanikwa mishonga kubva mumiti. Saka mutsara wechipiri wekuti, “Pasi pasati parohwa nenyundo, mishonga yaibva kumiti,” wanga usisadiwe. Zvakarewo, ndiri kuda kuti munyori achenjerere zviperengo zvake kuti zvive zvakatwasanuka, uye zvisazotadzisa vanhu kuverenga nhetembo yake.
Muenzaniso ndepaati: yamavhuvhu panzvimbo yekuti “yaNyamavhuvhu.”
Uyewo pane mutsara waati: Wurimbo rwekubatisa shiri rwunobva kumiti
Anga achifanira kuti, “Urimbo hwekubatisa shiri hunobva kumiti.”
Ndiri kuona kuti nyanduri wedu anoda kubatsirwa kuti azive kushandisa /va-/ na/wa-/ nekuti ari kuzvishandisa zvichisangana zvekuti zvinopedzisira zvakanganisa vaverengi. Kana ukanyora chiKaranga sezvawaita pawati:
“Miti inotipavo mirivo kubva kuharati nemagandari,” unenge waita zvakanaka, nekuti waratidza kuti uri kunyora uri kuMasvingo, asi kana ukazoti:
Chipiyaniso chakarowerwa Jesu . . .
Muto vekugadzirisa rabha
Apa panenge pave kuratidza kusanzwisisa kwako mutsauko uri pakati pa/v/ na/w/.
Chimwe chinhu chandafarira munhetembo yako ruzivo rwechivanhu rwakazaramo. Wadzidzisa vazhinji pamusoro pemazita chaiwo echivanhu ezvinhu zvakaita sezvawati: nhungo, mbariro, harati, magandari, makavi, matanga nezvimwe. Izvi zvinhu zvekuti vazhinji vezera rako vari mumadhorobha havanyatsozviziva.
Asi iwe waratidza kuti uri denhe reruzivo. Wagona chose pazera rako. Ramba uchinyora!




