Kukosha kwevadzimu

Munyaradzi Gunduza
Kukosha kwevadzimu pasichigare:

8. Ndezvipi zvinhu zvisere zviri murungano rwuri muna Museve Usingapotse zvinojekesa kukosheswa kwevadzimu muupenyu hwepasichigare? [25]

Pasichigare madzimambo aisuma midzimu asati apa munhu pekugara. Izvi zvinobuda munyika yaMambo Chakaingesu vaiti vaona nzvimbo yakakodzera kuti munhu avake musha mutsva, vaisuma danho iri kumidzimu voikurukurira zvikonzero zvekusarudza nzvimbo iyi.

Muupenyu hwechinyakare midzimu yaikumbirwa kuti ichengete musha mutsva. Tinonzwa kuti mudunhu raMambo Chakaingesu, vaikumbira nekunyengetera vadzimu vedzinza kuti varinge nekuchengeta vagari vemusha mutsva pamwe neminda nezvipfuyo zvavo kuti zvigokura zvakanaka.

Pasichigare vechidiki vaikura vachidzidziswa kuremekedza midzimu. Izvi zvinoonekwa mudunhu raMambo Chakaingesu umo vana vadiki vaidzidziswa nejinda ramambo, Nyahwedekwe, kuremekedza midzimu namambo vainzi ijinda guru remidzimu yavo.

Pasichigare vabva zera vaidzidziswa kudeketera midzimu. Zvinojekeswa naMambo Chakaingesu naVaMatose vanoenda naKaringe aive nemakore makumi maviri nemashanu kuninga yaidetemberwa midzimu yavo kunomudzidzisa kuti yaideketerwa sei vachiitira kuti asazonetseka kutaurirana nayo zvinetswa.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

◆ Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapfuura

13. Kubva muna Shoko Harivhikwi sarudza nhetembo ina dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana ugotsanangura kuti vanonyunyuta nezvei mudetembo rega rega. (25)

Mubvunzo uri kuda nhetembo ina dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana asi dzine pfungwa yenyunyuto.

Nhetembo dzacho ndeidzi; Rwana rusingateereri naSolomon H. Munorevesa, Kugarisana naMedia Mugandani, Munhu waro naJesca Rushwaya-Marwiro uye Chinangwa muAfrica naAlouis T. Sagota.

Solomon H. Munorevesa mudetembo rinonzi Rwana rusingateereri, anonyunyuta maererano nekusateerera kunoita mwana asinganzwi sepaanoti, “Harunzwi, harunzwisisi.” Nyanduri anonyunyuta pamusoro pemwana asingadi kutumwa sepaanoti, “Runokoma pakutumwa.” Anonyunyuta nezvemwana ane maitiro akashata sepaanoti, “Tsika dzarwo dzakadyiwa nembwa.” Anotsutsumwa nezviito zvemwana anoba sepaanoti, “Rune ruoko.”

Muna Kugarisana, Media Mugandani anonyunyuta nekuti roja raanogara naro rinononoka kumupa mari yerendi sepaanoti, “Rendi munounza pamadiro.” Nyanduri anonyunyuta nekuti mainini vaari kugarisana navo vanotanha michero yepamba isati yaibva sepaanoti, “Michero ichigere kuibva munokuzhumura.” Nyanduri anotsutsumwa neunhu hwamainini ava hwekuti akavabvunza mari yerendi vanotsamwa sepaanoti, “Ndikati rendi ngaiuye kupera kwemwedzi imi munobva mati muromo mumhuno pfe-e.”

Mudetembo raJesca Rushwaya-Marwiro rakanzi Munhu waro, anotsutsumwa pamusoro pemunhu anozotadza kufamba zvakanaka kana adhakwa sepaanoti, “Akariti dzvutu, kufamba anenge oita zvekutsika ayo matama nzira.” Nyanduri ari kunyunyuta pamusoro pemunhu anoda doro zvekukanganwa mhuri akugara kubhawa sepaanoti, “Yake imba, inotomushuva, achirara nekuswera kwaanoridutira.”

Nyanduri anotsutsumwa pamusoro pemunhu anoti akadhakwa anozviwetera semwana mudiki sepaanoti, “Mabhurukwa anoatotesa sendumurwa.”

Mudetembo raAlouis T. Sagota rinonzi Chinangwa muAfrica, anonyunyuta achiti chanyanya kutambudza Africa chaita kuti ishaye chimiro chakanaka ihondo nenhamo sepaanoti, “Hondo, nhamo tsvuku yomupa urombe.” Nyanduri anotsutsumwa nekuti vatungamiri vemuAfrica vari kukoka nhamo yaita kuti Africa ive nechimiro chakaipa sepaanoti, “Tarisai Africa matomupa mbiri yakaora.”

Tangai kuita tsvakurudzo dzemubvunzo unotevera:

14. Sarudza nhetembo ina dziri muna Shoko Harivhikwi dzavananyanduri vakasiyana ugotsanangura kuti zvii zvinotaurwa nezverumbidzo mudetembo rega rega. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

 

◆ Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×