DETEMBA TINZWE: KUTI UVE MUNHU

naKudakwashe Machingura

Amai kana kuti Baba,

Havaniri kugunun’una

Pamusoro pako iwe munhu

Iti peunofamba vanhu vanofanira,

Kukuyemura, kwete kupfirwa

mate nenyika puu-u

 

Kwete kudyiwa rutivi nayo

nyika iwe wakatarisa

samatemba. Uye usabate

matope pasina mvura

Usabvuma kudyiwa nevasina mazino

 

Kuti uve munhu

teerera, vimbika kwete

Kuchita vabereki

Usandozvongonyoka sorutsanga,

ruri mumvura. Iti fare fare

tindike. Kana woseka bata muromo

 

Shinga-shinga hama yangu

Kuti uve munhu.

 

◆ Kudakwashe Machingura anodzidza paNhedziwa High School, P O Box 58 Nhedziwa.

 

MAONERO:

Kana nhetembo yaita musoro seuno unoti, “Kuti uve munhu,” ndinenge ndave kutarisira kunyatsodzidziswa zvinhu zvinobatika uye zvinondibatsira zvikuru kuti ndikwanise kuve munhu.

Watanga zvakanaka nekutaura kuti vabereki havafanire kugunun’una nemwana. Wati zvakare, panofamba munhu vanhu ngavayemure kwete kusema.

Ndanga ndichitarisira kunzwa zvinhu zvacho zvinoita kuti vabereki vagunun’une, uyewo nezvinoita kuti vanhu vazosvika pakusema nekusvipa hunhu hwemunhu. Asi iwe ipapa wabva waita nungo dzekupinda mukudonongodza.

Mundima yechipiri wangotaura zvekudyiwa rutivi nenyika, asi ndine chokwadi chekuti vaverengi vangade kuziva kuti uri kumborevei chaizvo kana uchiti, “Kwete kudyiwa rutivi nayo nyika iwe wakatarisa.”

Chiiko chinenge chichiitika kana nyika ichidya munhu? Ko munhu haasiriye here anodya nyika rutivi? Ko iko kudyiwa nenyika uku kune hukama hupi nekuve munhu kwawatiudza mumusoro wenhetembo yako?

Nekuti kana watiyambira kuti “Kuti uve munhu,” isu tave kuda kuti utidzidzise zvatinofanira kuita kuti tisvike pakuve vanhu. Nyangwe zvazvo washandisa madimikira akaita sekuti, “Usabate matope pasina mvura,” ukapfuurira mberi uchiti “Usabvuma kudyiwa nevasina mazino,” handizive kuti uri kurevei chaizvo nezvirevo izvi. Saka vauri kuyambira vodyiwa here nevane mazino?

Mundima yetatu watanga kuyedza kudzidzisa uchidzokera kumusoro wenhetembo uchiti, “Kuti uve munhu teerera, vimbika . . .” Apa ndinoti wagona, uye wave kudzidzisa, zvinova ndizvo zvawanga uchifanirwa kuita kubva kwekutanga. Saka tabata zvinhu zviviri zvinobatsira kuti munhu ave munhu, asi wazoti, “Kwete kuchita vabereki . . .”

Kuchita harisi izwi rechiShona, asi chave chiRungu ichi. Izwi rakakodzera ndi“kunyengedza.” Wadaro wati, “Usandozvonyongoka sorutsanga ruri mumvura.” Rutsanga ruri mumvura haruzvonyongoke asi runobvunda kana kudedera. Uye handizive kuti ndekupi kwauri kuti munhu wauri kurayira asandozvonyongoka, asi ati fare fare tindike?

Wapedzisa nekuti “Shinga-shinga hama yangu kuti uve munhu.” Asi kushinga-shinga kwauri kutaura uku kushinga-shinga pakuita chii?

Nhetembo yako ine mavende akawandisa. Pamwe pacho wanga uchingopotsera zvirevo, asi worega kubatsira vaverengi kuti vaone kana kunzwisisa hukama hwechirevo nenhetembo nedingindira. Muenzaniso, wati “Kana woseka bata muromo.”

Zviri kuita sekuti chirevo ichi wangochigadzika usina kucherechedza kubatsira kwachiri kuita nhetembo yako.

Zvakarewo wanga uchifanira kushandisa zvimiso nenzira kwayo. Pamwe wanga usingatoshandisa zvimiso zvachose, saka nhetembo yako yanga ichinetsa kunyatsoverenga.

Cherechedza zvandataura izvi, uyewo uverenge mabhuku enhetembo kuti uone manyorero akaita vamwe. Ndatenda.

[email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *