‘Zvikoro zvese fundisai vakuru’

HURUMENDE ine chishuwo chekuti munhu wose awane dzidzo, kusanganisira vechikuru, izvo zvakaona ichitora danho rekuti kutanga gore rino zvikoro zvose zvepuraimari zvitange zvirongwa zvedzidzo yevanhu vakuru.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, nguva yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation, Senator Fanny Chirisa.

Sen Chirisa vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukusimudzira dzidzo yevanhu vakuru, zvikuru madzimai ayo anoda kuenderera mberi nekudzidza.

Prof Mavima vanoti bazi ravo mugore ra2015 rakaita kuti pave negwaro rinotsigira dzidzo yemhando iyi, reNational Non-Formal Education Policy for Zimbabwe.

“Izvi takazviita mushure mekuona kuti dzidzo yevakuru yakagara iriko asi kuti yakange isinganyatsotsigirwa zvizere. Gwaro riripo pari zvino rine zvirongwa zvakawanda zvezvidzidzo zvevakuru.

“Izvi zvinosanganisira mhando yedzidzo yeavo vasina kumbobvira vaenda kuchikoro, dzidzo yezvinodiwa pakurarama zuva nezuva, Zimbabwe Adult Basic Education Course inova fundo yevakuru inoita kuti vazokwanisa kunyora bvunzo dzeGrade 7.

“Pane dzidzo zvakare inoitwa neavo vanoda kudzidza kusekondari. Kunze kwezvirongwa izvi, kune imwe dzidzo iyo munhu anofunda ari kumba kuburikidza nekoresipondenzi. Zvakaonekwa kuti panoitwa dzidzo yevakuru vanhukadzi ndivo vanenge vakawanda kudarika vanhurume,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti kutanga gore rino, bazi ravo rakaudza zvikoro zvose zvepuraimari munyika kuti zvipe zvidzidzo zvevakuru.

“Bazi redu rakatsvagawo vatsigiri vane chitsama vanotsigira zvirongwa izvi,” vanodaro.

Vachipindura mumwe mubvunzo, Prof Mavima vanoti pari zvino zvikoro zvisina kuzvimirira, zvema“satelite” hazvitenderwi kuti zvinge zvichinyoresa bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) nekuti hazvinai zvekushandisa zvakakwana.

Vaipindura mubvunzo wemumiriri weGokwe Gumunyu, Senator Melania Mahiya, avo vaida kuziva matanho anodiwa kuti zvikoro zvakadai zvipihwe mvumo yekunyoresa bvunzo idzi.

Prof Mavima vanoti zvikoro zvema“satelite” zvakawanda hazvina vadzidzisi vakaringana pamwe nevadzidzi vane huwandu hunotarisirwa kuti zvinge zvichinyoresa bvunzo dzeZimsec.

“Zvikoro zvakadai zvisati zvarumurwa kubva kune zvimwe, zvinofanira kutanga zvave nezvose zvinodiwa uye zvinofanira kunyoreswa zviri pamutemo kubazi redu,” vanodaro.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×