DETEMBA TINZWE: NHAI IWE

naShyleen Makona

Ndaisaziva kuti uri honzeri,

Pese pawati pfacha ibvongamupoto,

Mudzimba vanhukadzi havachataudzani,

Vorimirana kumuganhu nokuda kwako,

Nzvimbo yese yauri inongove nyonganyonga.

Vasingakuzive vomera zenze newe,

Nhaiwe iwe kani iwe,

Wakabva nyika ipi isina muzivi,

Akakuunza ndiani asingazivikanwi,

Ko! Iyo mhirizhonga haichaperi nokuda kwako?

Vakakuda vorega kutswanya bete ura hwaro,

Akakuda nhamo yake ndeyeyi,

Ndakazoona zviito zvako iwe,

Kuita kwako marwadzo ega ega.

Chiona kaiwe chitsakatika

Ndochikutsvakira mazano kune vaya,

Vanozviti vanachipangamazano,

Nhaiwe kani iwe,

Iwe barika chitsakatika,

Wokonzeresa kudya zvisingadyiwe,

Ndatokuwanira mazano awunoda.

 

. Shyleen Makona ari Form 2 paSeke 6 High, kuChitungwiza.

 

MAONERO:

Nhetembo iyi ine musoro unoita kuti vaverengi vabvunze kuti iye ari kunzi “Nhai iwe,” ndianiko, aitei kuti azosvika pakunzi “nhai iwe.”

Nekuti hakuna munhu anongonzi nhai iwe kana asina chinhu chakaipa kana chinosvota chaanenge aita.

Asi Shyleen haana kuita kuti zviite nyore kuti vaverengi vazive kuti chii chaari kutaura nezvacho.

Unotozoti nhetembo yave kupera, mundima yekupedzisira ndipo paunonzwa pachinzi, “iwe barika chitsakatika.”

Saka nhetembo yedu inhetembo yekupopotera nekutsiura barika.

Wagona kunangana nebarika uchiriudza zvakaipa zvaro zvese kuti “uri honzeri,” uye mudzimba “vanhukadzi havachataudzani, vorimirana kumuganhu” nekuda kwaro.

Asi ndine chichemo kwauri sanyanduri. Ko barika rauri kutuka nekushora iri rinouya rega here mudzimba umu kuzofurufusha vakazvigarira? Chii chinorikonzera? Ko iwe sanyanduri sei usiri kunangana naichocho chiri kukonzera kuti barika rizovepo?

Chandiri kutaura ndechekuti nhetembo yako haisi kumbotaura zvevanhurume vanova ndivo vanochiva asi ivo vagara vaine vakadzi vavo kumba kare.

Ndivo vanoreva nhema kuti “ndiri jaya, handina mukadzi.” Ndivo varume ivavo vanoenda kunoroora mukadzi wechipiri, asi vachiziva kuti mukadzi wekutanga achashaiswa rugare nemumwe auya uyu. Saka kwandiri, varume ndivo honzeri huru.

Zvakarewo, vamwe vakadzi vanoenda kunoita mukadzi wechipiri ndivo nyoka nekuti vachadyara mbeu yeshanje mumhuri voparadza musha. Ndaramba Shyleen kuti ungotuka barika asi uchisiya vanhu vakaita saivava. Ko barika rinozivei zvaro?

Nhetembo yako yakasungwa mabhaudhi nezvirungamutauro zvekuti ndagutsikana kuti chiShona chako ndechemandorokwati.

Unonyatsogona kushandisa nyaudzosingwi nemadimikira nenzira yakadzama, uye yakakodzera. Ndanga ndichitapirirwa nemazwi akaita seaya anoburitsa manyongori anokonzerwa nebarika.

“Pese pawati pfacha, ibvongamupoto”

“Vorimirana kumuganhu”

“inongove nyonga-nyonga”

“Vomera zenze newe”

“Kutswanya bete ura hwaro”

Nyaudzosingwi nemadimikira ako zvinoburitsa pfungwa dzako sanyanduri nenzira inenge kuona firimu rekuNigeria. Wagona.

Chingogadzirisawo zvidiki zvakaita sekushandisa mibvunzo nezvimiso panzvimbo yazvo. Uyewo woshandisa zviperengo nenzira yakanaka, sepawati, “awunoda” panzvimbo yekuti “aunoda.”

Wotarisa pekubatanidza nekupatsanura mazwi, sepawati, “Chiona kaiwe” panzvimbo yekuti, “chionaka iwe.”

Asi kugona unogona, uye pakutaura kwenyu mazuva ano, ndinokupa sando dzako. Ndinoda kuti paunozosvika Form 4 unge wave chamangwiza wenhetembo nemutauro weShona.

. [email protected]

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×