DETEMBA TINZWE: NYUCHI

naLorraine Chando

Chipo chekushandatakapihwa pachokwadi

Isu nemhuri dzedu hatishuvi zvinonaka.

Zvinonaka tinozvishuva Seiko isu tichishanda nemoyo yose.

Tiri vanhu pasina asi tinokunda mikwandari yevarume.

Maoko edu madoko deno ari makuru taiita zvinoshura mare.

Hunyanzvi takapihwa rwese rwekuriritira mhuri.

Imi vanhu godo nesu ndereiko.

Ko, zvamakapihwa zvose naZame wani.

Mitezo yose munayo asi mune zvavamwe tika.

Kuona misha yedu godo rosimwa menyu mumoyo.

Mopitipidza kuda kufurusa magariro edu.

Ko, imire haifuri ivete shandaiiwoka.

Shandaiwoko mudye machikichori nemitakunanzva.

Shandaiwoka nokuti ziya harinyimi.

Zvamunashanda kumangere-ngere makambotipawo here?

Munongodya nevenyu vana.

Imi nesu tirimakaasiona, nekuda kwenyu.

Munotivamba asi zvimbokoma hamuzvigoni.

Kana mukatidenha tinokobora kunge mhakure.

Isu ndure-ndure pamaoko marefu iwayo.

Isu na-na-na pamatama iwayo.

Muchadzidza henyu kana musina kudzidziswa.

Ko, zvisiri zvenyu munobatireiko?

Zvamusina kupihwa munobatireiko?

Isu zvedu hatidi nazvo ndezvedu?

Yenyu inhomba rudziiko isingaperi?

 

Lorraine Chando anodzidza paChivake School, kwaGutu, Mpandawana, kuMasvingo.

 

MAONERO:

Kanhetembo aka kandiruma senyuchi ndikafanana naSulumani Chimbetu ari kutiza chibaba chenyuchi! Ndafara nekushandisa mutauro kwanyanduri Lorraine. Ndafarawo zvakare nechidavado chekuti nyangwe ari kupa nyuchi izwi rekuti dzitaure, dzimwe nguva unoseka nekuda kwemaonero enyuchi, kana matauriro anoita nyuchi. Izvi ndizvo zvimwe zvaita kuti ndibvume kuti Lorraine akagona kunyatsopinda mupfungwa dzenyuchi akabudirira kuve mutauriri wadzo.

Ndagutsikana nekushanda kwenjere dzaLorraine pakuronga nhetembo, pakuburitsa matingindira makuru achishandisa chidavado chepfekedzahunhu. Unobva wanyatsosara usina mibvunzo pamusoro penyunyuto yenyuchi nekuda kwehunhu hwevanhu vanoba asi vasingade kudzidza kubva kunyuchi dzacho.

Zviri kudzidziswa naLorraine kubudikidza nenhetembo yake ndihwo hwatinoti hunhu. Nyuchi dziri kuti panzvimbo yekungotsvaga zvinonaka chete, vanhu vanofanira kudzidza kushanda nemoyo yavo yese. Chimwe chakakosha chiri kubuda ndechekuti haisi nyaya yekukura pamumhu kuti uite zvinoshamisa, nekuti nyuchi hadzina kukura sevanhu, asi dziri kuita zvikuru kudarika vanhu.

Nyangwe zvazvo Lorraine atadza kuisa zvinoratidza kuti ari kubvunza mibvunzo, ndafara nemibvunzo iri kubvunzwa nenyuchi kuvanhu. Zvanzi mundima yechipiri:

Imi vanhu godo nesu ndereiko?

Ko, zvamakapihwa zvose naZame wani!

Chimwe chidavado chashandiswa nemhando yepamusoro naLorraine inyaudzosingwi. Nyaudzosingwi dzake dzanyatsojekesa zvinhu zvakawanda – kubva pahunhu hwevanhu nehunhu hwenyuchi. Muenzaniso wandingakupei wepandifadza zvikuru ndepaati:

. . . mune zvavamwe tika.

Mopitipidza kuda kufurusa . . .

Isu ndure-ndure . . .

Kushandisa mutauro kwakadai kunonyatsogutsa muverengi kuchinyatsojekesa pfungwa dzake.

Pane pashandiswa mutauro zvine hunyanzvi zvekuti ndananzvira. Zvanzi naLorraine:

. . . ziya harinyimi.

. . . imire haifuriri ivete

. . . tinokobora kunge mhakure.

Tichibva pamutauro wakapfuma uyu, tinoonawo zvakare kuti Lorraine ashandisa chidavado chekubvunza mibvunzo isingade mhinduro. Ndanyanya kufara nepanzi nenyuchi:

Muchadzidza henyu kana musina kudzidziswa. Dambudziko rangu nenhetembo iyi riri pakusanyorwa zvakanaka kwezviperengo zvimwe nekusapatsanurwa kwemazwi. Asi ndaona sekuti iri idambudziko rakabva pakutaipwa kwakaitwa nhetembo. Pasina izvozvo, iyi inhetembo yakanaka, uye inofadza. Wagona Lorraine!

. [email protected]

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×