‘Huwori bodo, chengetedzai mhuka’

VASHANDI vanochengetedza mhuka dzesango vanokurudzirwa kuita basa ravo nemazvo uye kuti vasiyane nehuwori hwekupihwa chiokomuhomwe nenhubu dzinovhima mhuka zvisiri pamutemo.

Kurudziro iyi yakaitwa negurukota rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, nguva yadarika pamusangano wakaitwa muHarare uyo waive wakananga kutsvaga nzira dzekuchengetedza mhuka dzesango, weEthical and Sustainable Safari Hunting.

“Vanhu ngavachengetedze mitemo maerano nekuchengetedzwa kwemhuka nekuti izvi zvinosimudza upfumi hwenyika kubudikidza nekushanyirwa neavo vanobva kunze nevemuno. Avo vachabatwa vachiita huwori mukuchengetedzwa kwemhuka kuburikidza nekupihwa chiokomuhomwe kuti mhuka dziurayiwe vacharangwa nemutemo,” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

“Iye zvino hakuchina avo vachauraya mhuka vachida ma’trophies’, kunyanya vanobva kunze kwenyika. Hatichatenderi zvakadaro uye anoonekwa achiuraya mhuka nedonzvo rekutakura ‘trophy’ achapihwa mutongo wakaomesesa,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa nemukuru wesangano reSafari Operators Association of Zimbabwe, VaEmmnauel Fundira, vachiti mhuka dzesango dzinofanirwa kuchengetedzwa nekuti ipfuma yenyika.

Gore rapera muna Chikunguru, chimwe chizvarwa chekuAmerica chakauraya imwe shumba zvisiri pamutemo iyo yaive nemukurumbira yaizivikanwa nezita rekuti Cecil kuHwange Game Reserve.

Izvi zvakaita kuti Hurumende isimbise matanho akananga kuchengetedzwa kwemhuka dzesango.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×