Distin obva kuBournemouth

SYLVAIN Distin mumwe wevatambi vatanhatu vachabva kuchikwata cheBournemouth icho chinokwikwidza muPremier League zvichitevera kupera kwemakondirakiti avo.

Distin (38) — uyo akambotambira Everton neManchester City — anga ari kuchikwata ichi kwemwaka mumwe chete zvichitevera kubva kwaakaita kuEverton mugore ra2015.

Chizvarwa chekuFrance ichi chakatanga mitambo mipfumbamwe chete kumaCherries mumwaka waange achingokuvara pose-pose.

Mubati wepagedhi Ryan Allsop (23), uyo akapedza nguva ari kuWycombe nePortsmouth mwaka uno nechikwereti, akasaina kondirakiti yemakore maviri kuchikwata ichi kusvika mugore ra2018. Bournemouth yakazivisa zvakare kuti Stephane Zubar, Josh Carnimachael, Josh Wakefield, Mason Walsh naJohn Muleba ndivo vamwe vachabva kuVitality Stadium pamwe chete naDistin. — BBC Football

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×