Midhudhudhu yamusvitsa pakaoma

MAKANIKA wekuzama noto nekuda kupfuma nezvekuba zvichitevera kutsakatisa kwaakaita mudhudhudhu waakange anzi agadzire pamwe nekutengesa injini yemumwe wacho, akaigochera pautsi apo akatongera kugara mujeri nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Calton Hatitye (39) wepanhamba 3116 Unit G, kuChitungwiza, akakuruka Prince Bakaswa (40) wepanhamba 898 Glen Norah, muHarare, naAbel Mutsadyanya (39) wekuMinduwa Village, kwaSeke nekudaro akatongwa nemhosva dzehumbavha hwemidziyo inenge yachengeteswa (theft of trust property).

Mutongi wedare, Blessing Murwisi, akatemera muchinda uyu chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri. Akazomubvisira mwedzi mina pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Akanzi zvakare aripire Bakaswa $1 500 yekutenga mumwe mudhudhudhu musi wa30 Chikumi usati wasvika. Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti mumwedzi waNdira mugore ra2014, paMakoni Shopping Centre, kuChitungwiza, Bakaswa akaenda nemudhudhudhu wake kuna Hatitye kuti unogadzirwa.

Nomusi wa31 Kurume gore rimwe chete iri, Hatitye akagadzira mudhudhudhu uyu achibva autengesa. Bakaswa paakazobvunza nezvemudhudhudhu uyu akatangisa kuti pamunhondo nepamusasa achimuti anofanira kumupa $1 500 kuti ange achimutsvagira mumwe mudhudhudhu wakanaka. Akaramba achivimbisa Bakaswa manyepo kusvika azoona kuti akange achinyengedzwa achibva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Munyaya yepiri, mumwedzi waNyamavhuvhu 2015, Mutsadyanga akapa mudhudhudhu wake kuna Hatitye kuti agadzire injini achibva abhadhariswa $20 semuripo wacho.

Vaviri ava vakatenderana kuti Mutsadyanga aizotora mudhudhudhu wake apedza basa husiku hwemusi wakare asi akadzoka ndokuwana usina kugadzirwa.

Mumwedzi waKubvumbi gore rino, Mutsadyanga akaenda kubasa kwaHatitye kuti atore mudhudhudhu wake asi akashamisika kusvikowana usisina ijini inova yaikosha $100.

Hatitye akakundikana kutsanangura zvinogutsa maringe nekwaakange aendesa injini iyi zvikaita kuti asungwe.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×