Dr Coventry vadadisa

Abel Ndooka

MASVONDO adarika, Zimbabwe yakabatana nepasi rose mukucherechedza zuva guru revanhukadzi reInternational Women’s Day iro rinopembererwa nemusi wa8 Kurume panguva iyo vamwe vanhukadzi vari kuita zvinorova munyaya dzezvemitambo.

Mumwedzi uno wekupemberera vanhukadzi, vaimbove gurukota rezvemitambo – Dr Kirsty Coventry – vakanyora nhoroondo yekuve mudzimai wekutanga kuvhoterwa kuita mutungamiri wesangano reInternational Olympic Committee (IOC).

Kuhwina kwavakaita kwakaona vachiva zvekare chizvarwa chekutanga chinobva kuAfrica kutungamira sangano iri uye zvakawanda zviri kutarisirwa kubva kwavari mubasa ravo idzva iri.

Pasi rose rakamhanya kukorokotedza Dr Coventry zvichitevera kuhwina kwavakaita.

Mamwe madzimai ari kuita zvinodakadza munyaya dzemitambo anosanganisira mutambi wenhabvu – Kudakwashe Basopo – uyo akanwisa ka12 mumutambo mumwechete svondo radarika apo chikwata chake cheNsingizini Hotspurs – chekuEswatini chakakunda cheRed Rhinos 26-0.

Basopo ari kupisa kuNsingizini Hotspurs sezvo akwanisa kunwisa ka19 mumitambo mitatu yaatambira chikwata ichi.

Kucricket, mutambi wechidiki – Kelis Ndhlovu (19) – ari kutamba zvinonwisa mvura nekudaro mumwe wevanotarisirwa kuchikwata chemaLady Chevrons.

Ndhlovu gore radarika panguva yaaipisa akatombokumbirwa kuti adzokere kuchikoro kunonyora bvunzo dzake izvo zvinorakidza kukosha kwake kuchikwata chenyika ichi.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *