DeMbare yorongera Simba Bhora

Abel Ndooka

CHAKABVONDOKA nemusi weSvondo uno kunhandare yeRufaro Stadium muguta reHarare apo chikwata cheDynamos FC (DeMbare) chichasangana neshasha dzeCastle Premier Soccer League (PSL), Simba Bhora, mumutambo weCastle Premiership Match-day Four.

Zvikwata izvi zviri kusangana kechipiri mukati memasvondo mashoma zvichitevera kutatsurana kwazvakaita mumutambo weCastle Challenge Cup uyo wakazohwiniwa neDynamos nguva pfupi yadarika. Mumutambo uyu, DeMbare yakakundira Simba Bhora kumapena mushure mekunge mutambo wapera uri mangange 1-1.

Dynamos, iyo iri kurairidzwa naLloyd ‘Mablanyo’ Chigowe iri kupinda mumutambo uyu yabva kuita mangange mitambo mitatu yakatevedzana.

Izvi zvakaona chikwata ichi chichiita mangange 0-0 neZPC Kariba mutambo wekutanga wemwaka uno, 0-0 neHerantals College FC ne1-1 neTelOne mumutambo wekupedzisira. Kuchiti kune rimwe divi, Simba Bhora – iyo iri kurairidzwa naJoel ‘Dubai’ Luphahla – pamitambo yayo mitatu yemwaka uno, yaita mangange miviri yekutanga ndokuhwina wekupedzisira uyo yakakunda Herentals 1-0.

Miviri yekutanga yakaita mangange 0-0 neFC Platinum ndokuzoita zvekare 0-0 neZPC Kariba mutambo wakatambirwa kuNyamhunga Stadium, kuKariba.

Joel ‘Dubai’ Luphahla

Kusvika parizvino, Dynamos neSimba Bhora zvakwanisa kusangana kana mumitambo yePSL.

Zvikwata zviviri izvi zvaita mangange mumitambo mitatu uye mumwe wacho ukahwiniwa neSimba Bhora iyo yakakunda Dynamos 1-0 gore radarika kuWadzanayi Stadium, kuShamva.

Musi weSvondo zvekare uchaona chikwata cheScottland chichienda kuBabourfields kuBulawayo kekutanga uko chichanosangana neHighlanders.

Bosso yakatanga mwaka uno nekukundwa 1-0 neMWOS, ikazohwina wechipiri apo yakazvambaradza Kwekwe United 4-0 ndokuzoita mangange 2-2 wechitatu neGreen  Fuel.

Kuchiti Scottland, yakahwina mitambo yayo miviri yekutanga ndokuzokundwa wechitatu neNgezi Platinum Stars.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×