‘Dzidzisai mabasa emawoko’

Vanhu ava vaiona huku dziri kupfuiwa pachikoro cheMaterera Secondary School, kwaChihota
Vanhu ava vaiona huku dziri kupfuiwa pachikoro cheMaterera Secondary School, kwaChihota

SANGANO rakazvimirira reWorld Vision Zimbabwe rinoti zvakakosha kuti zvikoro zvisimudzire zvidzidzo zvemabasa emawoko akaita sekurima nekupfuya zvipfuyo sezvo vadzidzi vachizokwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

Sachigaro webhodhi reWorld Vision Zimbabwe, Mai Stella Dongo, vakataura mashoko aya svondo rapera paMaterera Secondary School, iri kwaChihota, apo vakavhura zviri pamutemo zvirongwa zvekurima zveChihota Greenfield Programme – Livestock Projects.

Pazuva iri vakaparura chirongwa chekupfuya huku pachikoro ichi pamwe nerimwe rekuchengeta nguruve paSt Lucy’s Gukuta Secondary School mudunhu rimwe chete iri.

Mukuita zvirongwa izvi, World Vision Zimbabwe yakabatana nevagari vemunharaunda, Irvines Zimbabwe Private Limited Company pamwe nesangano rePig Industry Board of Zimbabwe.

Irvines Zimbabwe ndiyo yakavandudza bhindauko rehuku paMaterera Secondary kuchitiwo vePIB vari kusimudzira chirongwa chekupfuya nguruve paSt Lucy’s Gukuta Secondary.

“Ndinoda kutenda zvakanyanya vanhu vemunharaunda yeChihota, Hurumende nevemabhizimisi nekubatana kwavo mukuvandudza nzvimbo yavo kuburikidza nechirongwa cheGreenfield chavhurwa nhasi muno maChihota. Chirongwa ichi chakanaka nekuti kuvandudzwa kwenzvimbo kuunza budiriro mune ramangwana revana vedu,” vanodaro Mai Dongo.

“Ndinoda kukurudzira vagari vemaChihota kuti vashandise ruzivo rwavari kuwana kubva kunanamazvikokota vari kubva kumakambani akasiyana vachiuya kuita zvirongwa izvi munharaunda dzavo vachizodzidzisa vamwe.

“Chinangwa chedu ndechekuti nyika yose izare nezvirongwa izvi zvinova zvakanangana nekusimudzira vechidiki kuti vazive kuita mabasa emawoko nekuzvishandira kana vapedza zvikoro. Chirongwa ichi chakanakirawo kuti chinoshandisa magetsi anobva kuzuva saka zvinoitira nyore kuvanhu vekumamisha.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Marondera District Education Officer, Mai Farayi Mudita, vakarumbidza chirongwa ichi vachiti chinosimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko.

“Ndinotenda chaizvo nechirongwa ichi nekuti chine donzvo rekudzidzisa vana zvekurima. Mabhindauko ehuku aya nekupfuya nguruve akaitwa muzvikoro zvinoita kuti vana pavanenge vachiita zvidzidzo zvavo zveAgriculture vapote vachienda ikoko vachizvionera. Vana vanofanira kupota vachibatsirana nevari kuita mabhindauko aya kuitira kuti kana vava kuzonyora vanyore zvinhu zvavakazvionera,” vanodaro.

Vanoti izvi zvinoenderana nekuvandudzwa kuri kuitwa fundo pasi pechirongwa cheNew Curriculum chebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, icho chinokurudzira kuti vana vadzidze mabasa emawoko kwete kuti zvingoperera pakufunda mabhuku chete.

“Izvi zvinobatsira chero mwana akafoira haazoshayi zvekuita, anokwanisa kutanga kuzviitira zvinhu zvake oga zvakaita sekupfuya mhuka nekurima. Vamwe vana vanobva pazvikoro voshaya mabasa ndipo pavanofanirawo kushandisa ruzivo rwavanoona muzvirongwa zvemabhindauko akaita seaya,” vanodaro Mai Mudita.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *