‘Dzidzisai nezvehiv neAIDS’

MUMIRIRI weMakonde mudare reHouse of Assembly, Cde Kindness Paradza, vanokurudzira vatori venhau kuti vaburitse nyaya dzine chekuita nehutachiwana kweHIV nechirwere cheAids nenzira inodzidzisa veruzhinji kukosha kwekuzvidzivirira kubva mukutapurirwa utachiona uhu uye kuti avo vanorarama nahwo vangazvichengetedze sei. Cde Paradza vakataura mashoko aya pamusangano wevatori venhau kuKadoma, nguva ichangodarika.

“HIV neAids richiri dambudziko kwatiri, hatigoni kuti takatokunda denda iri.

“Ibasa revatori venhau kuti vatsvage nzira dzekunyora pamwe chete nekushambadza nadzo kune veruzhinji dzinoita kuti vanhu vazive kukosha kwekudzivirira chirwere ichi pamwe chete nekuti vanenge vaine utachiona vangazvichengetedze sei,” vakadaro Cde Paradza.

“Nyaya dzeHIV neAIDS hadzifaniri kunyorwa sezvinhu zvedambe asi kuti ngadzive nedzidziso kune vane chirwere ichi nevasina kuitira kuti parege kuramba paine kuwedzera kwevanhu vari kutapurirana utachiona uhu.”

Vakati mukunyora nekuburitsa nhau dzine chekuita neutano hwevanhu, kunyanya zvakanangana neHIV neAids, vatori venhau vanofanira kukoshesa tsika nemagariro pamwe nezvinotarisirwa pachivanhu.

“Vatori venhau mune basa guru munyika nekuti kunyora kwenyu ndiko kunoita kuti mimwe mitemo ivepo,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×