Shasha dzekarate dzobandana

SANGANO reZimbabwe Karate Union riri kuronga mutambo weChampion of Champions wevatambi vachiri kusimukira uyo uchaona shasha ichahwinha ichawana mukana wekunomirira nyika kumakwikwi ekunze.
Gore radarika, mutambo uyu wakahwinwa naShadreck Chigombe uye aifanirwa kunge akanomirira Zimbabwe mwedzi yadarika kuDurban, kuSouth Africa asi haana kuzokwanisa kuenda sezvo achinzi akawana rimwe basa kuBulawayo uko kwaave kusevenza. Munyori mukuru weZKU, Sensei Stephen Charandura, anoti mutambo uyu wakakosha sezvo uchibatsira sangano ravo kuvaka tarenda revatambi vachiri kusimukira.

Anoti vatambi vacharwa pamutambo uyu vachabva kumapurovhinzi ese emunyika avo vakanyoreswa kusangano ravo.
“Mitambo yedu yese yekunze yakapera yegore rino saka izvezvi tave kumhanyisana nekuronga mutambo weChampion of Champions uyo uchaona vatambi vakawanda vemuno vachibikana zvakasimba.

“Havasi kungorwa chete sezvo apa vachange vachirwira hushe hwekuve shasha yemuZimbabwe yose.

“Mutambi anohwina pamutambo uyu anenge azvihwinira tikiti rake rekunorwa kumitambo yakawanda yekunze kwenyika,” akadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×