Dzidzo ngaifambirane neZim-Asset: Dokora

Daphne Machiri
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti dzidzo yemuZimbabwe ivandudzwe nenzira inoita kuti ienderane nechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika, cheZim-Asset. Vachitaura svondo rapera pachikoro chePrince Edward, muHarare pagungano rekupanana mazano pamusoro pechirongwa chekuvandudza dzidzo, cheCurriculm Review, Dr Dokora vakati vadzidzi vose vanofanira kuita zvidzidzo zveScience, Maths pamwe nemakombiyuta izvo zvinodyidzana nekubudirira kweupfumi hwenyika.

“Zvimwe zvidzidzo zvakare zvatakaona kuti zvakakosha mukusimudzira upfumi hwenyika ndezvemabasa emawoko atinoti mapractical subjects kana kuti technical vocational subjects anosanganisira zvekuveza, kuvaka, kurima, kubika nekusona,” vakadaro.

Dr Dokora vakati zvakakoshawo kuti vadzidzi vafundiswe pamusoro pezvinowanikwa muZimbabwe zvakaita senzvimbo dzinokwezva vashanyi pamwe netsika nemagariro.

“Kutsika nemagariro, vana ngavadzidziswe zvakakomberedza Zimbabwe kuti vakure vari mugwara rakanaka, vaine ruzivo rwakadzama,” vakadaro Dr Dokora.

Vakakurudzira vabereki kuti vakoshese zvidzidzo zvevana zvekukireshi kwete kungovatangisa chikoro nekuenda kuGrade 1 sezvo vanenge vasina hwaro hwakasimba.

“Kuvabereki ndinoti musagare nevana kudzimba mozongonotsvaga nzvimbo dzeGrade 1, vana ngavaendeswe kuECD nekuti ndiko kunorodzwa mwana pfungwa dzekuti azive kuti chikoro chii uye kuti chakakosherei. Paanozoenda kuGrade 1 zvinenge zvava muropa izvo zvinoita kuti afarire chikoro nekuziva kukosha kwacho.”

Dr Dokora vakati bazi ravo richaparura chirongwa cheTeacher Professional Council Commission, iyo ichange ichiita ongororo pamusoro pemashandiro evadzidzisi.

Vanoti donzvo rechirongwa ichi nderekuti varairidzi vakadzidzira basa vaite mabasa avo chaiwo kwete zvekuti vakafundira kudzidzisa kusekondari vanowanikwa vachiticha kupuraimari.

“Tichange tichitarisa kunyanya vane zvitupa zvekudzidzisa sekusekondari asi vanoenda kupuraimari avawo vepuraimari vachienda kusekondari. Kwete, hatidaro. Ngative panzvimbo dzinoenderana nemagwaro atinawo,” vakadaro Dr Dokora.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×