Makwikwi epool oitwa

Abel Ndooka
ACHANGE ari makuwerere svondo rino paLion King Restaraunt, muguta reHarare pachaparurwa ligi reHarare Metropolitan Pool Association.
Zvikwata zvinopfuura 16 zvichasangana kutanga musi weChishanu kusvika Mugovera apo zvichange zvichibandana mumutambo wekupemeberera kutanga kwemwaka mutsva weligi.

HAMPA, sekuzivikanwa kunoitwa ligi iri, yakadana zvimwe zvikwata izvo zvichabva kwaMutare, Bulawayo pamwe nezvemuligi reHarare Pool League kumutambo uyu.

Svondo radarika, zvikwata zvose zvemuligi iri zvakasangana zvakare paLion King apo pakaitwa draw rekuronga mitambo iyi.
Munyori mukuru weHAMPA, Ephraim Choto, anoti zvikwata zvichabudirira kuuya svondo rino zvichaiswa mumapoka akasiyana umo zvichatamba mitambo yeround-robbin. Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro ndizvo zvichafambira mberi kusvika kufainari yemutambo uyu.

“Draw redu rakafamba zvakanaka svondo radarika iye zvino tatarisana nekuparura mwaka mutsva weligi regore rino.
“Zvikwata zvinopfuura 16 zvemuligi redu pamwe nezvimwe zvichabva kwaMutare, Bulawayo nezvimwe zveselect zvichasangana paLion King muHarare apo zvichange zvichitamba mumitambo yakasiyana.

“Tine mibairo yakasiyana yemari iyo tichapa kune zvikwata zvichahwina svondo rino,” akadaro Choto.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×