Dzikisa sadza nekovho

SVONDO rino, Mai Chidoshashe Makumbe vekuZhombe ndivo vari kurondedzera mabikiro avanoita muriwo wekovho zvekuti vanoudya vanoita sevachazviruma rurimi.Muriwo uyu unonzi unodzinga zvirwere zvakadai sekukundikana kunyatsoona nekuwedzera ropa mumuviri nekuti une iron inobva muvhu nekumwe kudya kwakawanda.

Unoverengwa zvakare kudivi rezvekudya zvinowanisa muviri Vitamin C.

Kana ukabikwa zvine unyanzvi, muriwo wekovho unonaka zvikuru.

Zvinodiwa:

Kana usina kuzvirimira, tenga kovho muzvitoro zvakanyoreswa.

Geza muriwo nemvura yakachena kuitira kubvisa inda nehuruva.

Cheka muriwo muzvidimbu zvidiki-diki.

Cheka matomatisi nehanyanisi woisa padivi.

Kubika:

Kanda muriwo mupani kana poto wosiya zvimbokwata kwemaminitsi mashanu.

Rasa mvura yose inenge yabuda mumuriwo.

Isa chidimbu chechipunu chemafuta wokanga.

Bika muto uchitanga nekufuraya hanyanisi wozokanda matomatisi nemunyu wakaringana.

Muto uyu unobikirwa padivi kuitira kuti muriwo urambe wakasvibirira. Kana muto waibva, chisanganisa nemuriwo.

Chekudyisa:

Muriwo wekovho unodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana nechingwa. Unogona zvakare kuisa nyama yaunoda padivi kuti zviendeke.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *