Dzimwe nzira dzekuroorana

Ticha Danga
MUCHINYORWA chadarika takasiya mukwasha apedza kuroora, atoziviswa kuhama neshamwari chero zvibinge zvanga zviripo anga atogadzirisa. Kana ndichiti apedza kuroora handirevi kubvisa pfuma yese asi kuti zvanga zvichida kubviswa zuva iroro ainge abvisa nekuti kuroora hakupedzwi nezuva rimwe chete.

Panotosara mungava kana kuti jeredzwa rinopota richibviswa pano neapo. Kana mukuwasha oda kuti tezvara vachinoona nekutinha mombe dzedanga dzaakabvisa, anotovapa mari yerusumudzo. Kana vasvika, havangonanga kudanga asi kuti mukawmbo anobvisa zvakare imwe mari inonzi yemunongedzo kana kuti yemaziso.

Mushure mekuvaratidza mombe dzavo, tezvara vachada imwe mari pamusoro inonzi yerushamhu izvo zvinoita kuti vagozotinha mombe voenda.

Mukadzi aroorwa uyu achazoda kuperekwa kumusha kwemurume amuroora nekudaro anoda mari yekuti akwanise kuonekwa mumusha. Anofukidzwa jira kumeso iro rinozobviswa chete kana mari yeshonongoro yabviswa. Akaita pamuviri pokutanga, haasunungukire kwaakaroorwa asi kumusha kwake. Saka mukuwasha anobvisa mbudzi mbiri dzinonzi dzemasungiro.

Tombotarisa mhando dzekuroora dziriko. Kune vanhu vanenge vakaronga zvinhu zvakanaka zvekuti havatore mwanasikana wevanhu vasina kubvisa pfuma. Ndivo vaya vanotuma munyai kunokumbira sadza vaine mari yavo yekurooresa. Vanotevedzera zvose zvinodiwa kudzimara vapihwa mudzimai. Mhando yekuroora iyi inonzi kutumira kana kuti kukumbira.

Vamwewo vanotorana muchivande vonogara asi vozozivisa vabereki vacho nekunodaidzira nekubvisa mari yetsvakirai kuno. Kuita uku kunonzi kutizisa mukumbo.

Kune vamwe vanongotorana votongotanga kugara vose pasina kana kobiri rakabviswa kana tsvakirai kuno zvayo. Vanogara vagotozadza imba nevana pasina kana pfuma yakabviswa. Uku kunonzi kuchaya mapoto.

Dzimwe nguva murume anenge achida mukadzi waafarira obva adiwa asi iye asina kana pekutangira kuti agobvisawo pfuma kwavatezvara. Anenge ari munhu akaswatuka asingadi zvekuchaya mapoto nekudaro anoenda kunosvitsa chichemo chake kwatezvara kuti avashandire achigara pamusha pavo pasina muripo kwenguva yavanowirirana iye ozopihwa mukadzi. Kunonzi kutema ugariri

Murume anogona kuda musikana asi achirambwa ozoita wekuhwandira apo anomutakura onomuvharira. Unonzi musengabere.

Kana ari mukadzi azvimanikidzira pamurume asiri kumuda kunonzi kuganha.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *