Danai Chirawu
KUNE gakava guru maringe negwaro riri mushishi rekuumbwa kuti rizove mutemo wewanano reMarriage Bill iro riri kutenderera padandemutande.
Svondo rapera, takapa pfungwa dzakasiyana maringe nemitemo yewanano dzinova dzisina kuenzana pakati peyechivanhu isina kunyoreswa neyakanyoreswa.
Kuenderera mberi nenhaurwa iyi, tichatarisa mitemo yepasi rose kuti pange pachibatanidzwa mitemo yewanano muZimbabwe.
Mitemo iyi inobata nyika dzose dzinenge dzakabvumirana nayo uye dzakaisana. Iripo pakuchengetedza kodzero dzevanhu zvichifambirana neongororo dzinobva kunyika dzakasiyana.
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzakasainira mitemo iyi senzira yekusimudzira kodzero dzevanhu.
Kubatanidzwa kwemitemo uku kunoreva kuumbwa kwerunyararo pasi pemutemo mumwechete kana zvichienzaniswa nemutemo wewanano wakadai seMarriage Act (Chapter 5:11) neCustomary Marriage Act (Chapter 5:07).
Zvinoratidza kuti pane musiyano wakanyanya pakati pemitemo iyi, zvikuru sei muZimbabwe sezvo mumwe unoti mukadzi mumwe nemurume mumwe asi mumwe uchitendera kuti murume aite madzimai maviri kana kudarika.
Saka panoda kuti pave nekubatanidzwa kwemitemo iyi zvisina rusarura sezvo mutemo uchitarisa vanhu zvakaenzana apo vanenge vari muwanano isina kunyoreswa vasinganyanyi kutariswa pasi pemutemo.
Kubatanidzwa kwemitemo iyi kuchaita kuti zera rakakodzera kupinda muwanano rive pamakore 18 ekuberekwa sezviri mubumbiro remutemo weZimbabwe zvichipawo mukana kuvanhu vese kuti vange vachichatiswa mumhando dzewanano dzavanoda.
Mutemo weUniversal Declaration of Human Rights (UDHR) une donzvo rekutarisa kodzero dzavanhu pasina rusarura.
Vanhu vese, kusanganisira madzimai nevana, vanofanira kuwaniswa chengetedzo muwanano pasi pemutemo weConvention for the Elimination of all forms of Discrimination Against Women (CEDAW) uyo unotaura maringe nenyaya dzekurwiswa kwenyaya dzemhirizhonga
Zviri pachena kuti hapafaniri kuva nenyaya dzerusarura kana takatarisa mhando dzemitemo yewanano munyika nokudaro panofanira kuva nekubatanidzwa kwemitemo iyi.
*Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kufona pa+263242 708491 kana +2630242 706676.



