Dzimwe shangwiti

DAVID inyanzvi yezvekusimudzirwa kwemabhizimusi madiki uye anofarira kuona kukurudzirwa kwevarimi vadiki vefodya.

Akaita zvidzidzo zvake kuHarvard Business School and Massachusetts Institute of Technology uye ane hunyanvzi mukutengeswa nekurimwa kwefodya. Ndiye wekutanga muZimbabwe kuva managing director weTobacco Sales Floor, inova bandiko reTSL.

Chishuviro chake kuona kuderedzwa kwekutambura kunzvimbo dzekumaruwa uye anotarisira kusimudzirwa kwevanhu vekumaruwa kuti vave nechiremerera pakuumbwa kwehupfumi hwenyika.

Andrew anotungamirira Zimbabwe Cotton Consortium (Pvt) Ltd kudivi rinoona nezvekufambiswa kwekambani iyi.

Anotungamirira divi iri kuti aone kuti kambani yafambiswa nemazvo uye anoona kuti yadyidzana zvakanaka nevarimi pakuvabatsira nezvekushandisa vachizobhadhara kana vakohwa.

Ane hunyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemakambani uye akava nezvinzvimbo zvakawanda zvekutungamira kukambani yeCottco kwemakore gumi nemasere.

Ane nhorowondo yekuita basa nemazvo, kuunza shanduko mubhizimusi uye ane chido nezvekushandiswa kwechizvino-zvino mumabhizimisi zvinokwezva vatengi.

Andrew ndiAccountant pabasa uye ava mugore rekupedzisira kuti ave nhengo yeACCA.

Tatenda Geeny Makunde Zhakata ndiqualified chartered accountant uye inhengo izere yeInstitute of Chartered Accountants of Zimbabwe.

Ethical Holdings Operations Manager-Taurai S. Jemedze

Akaita zvinyorwa zvake zveaccounts nekambani ine mukurumbira yeDeloitte & Touche Chartered Accountants (Zimbabwe) uye akashandira Deloitte Zimbabwe mumabandiko eindasitiri akasiyana anosanganisira ane chekuita nekurima, zvemasai-sai, zvekutenga nekutengesa kwemakore anodarika gumi aine zvinzvimbo zvepamusoro.

Asati ava nekambani ino, akasevenzera makambani makuru akaita seTanganda Tea Company neAriston Holdings Limited.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *