Mhinduro dzaidiwa

Mhinduro dzaidiwa

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rapfuura takaita mibvunzo yezvirungamutauro zvetsumo nemadimikira zvainge zvakavhenganiswa apo waisungirwa kuzvipatsanura. Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo.

Asi tisati takupai mhinduro idzi ngatimbotangai tatarisa mhinduro dzakatumirwa nevamwe venyu;

Tinovimbashe Ngwaru, Form 4 Mandedza High School, Chakahwata Village, Seke

Tsumo:

  1. Kuziva mbuya huudzwa.
  2. Kukanya hurangana.
  3. Kuturika ura pachitsiga kuti makunguwo adye.
  4. Seka urema wafa.
  5. Kugara hunzwanana.
  6. Kufa kwehosi inosiya imwe.
  7. Kunonoka huvizhura.

 

Madimikira:

  1. ?
  2. kuva nemusoro
  3. kuora mwoyo
  4. Kumira mwoyo
  5. Kuseura gotsi
  6. kuzvirova dundundu

Hedzinoi mhinduro dzinotarisirwa neveKwayedza:

Tsumo

– Kuziva mbuya huudzwa

– Kukanya hurangana

– Seka urema wafa

– Kugara hunzwanana

– Kufa kwehosi inosiya imwe

– Kunonoka huvizhura

Madimikira

– Kuva nemusoro

– Kuora moyo

– Kuturika ura pachitsiga kuti makunguwo adye

– Kumira moyo

– Kuseura gotsi

– Kuzvirova dundundundu

 

Mwana achagona kuramba achipa mhinduro dzakanaka masvondo anotevera achazviwanira mubairo webhuku rekuverenga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×