Kingstone Mapupu
VEMHURI inobva mumusha waSabhuku Chigwada, mudunhu raMambo Negomo, kuChiweshe, vanoti tateguru wavo akaba mhembwe yemumwe muvhimi yaive pamusungo, izvo zvokonzera kuti vana vose vanozvarwa vange vakaremara makumbo mudzinza rose.
Dambudziko iri rakatarisana nemhuri yekwaChigwada, iyo inogara kwaMukodzongi.
Vemhuri iyi, kubva kuvana kusvika kuvakuru, vose havagoni kuzvishandira nokuda kwedambudziko remakumbo akaremara. Vanofamba vachiita zvekuzvuva makumbo.
Sabhuku Chigwada, VaMirosi Chigwada (78), vanove mukuru asara mumhuri iyi, vanoti vose vemumhuri yavo vanoberekwa vakaremara mitezo.
“Tinoberekwa tiine dambudziko remakumbo akatsveyama zvokutadza kufamba. Tine vanakomana vakaita sezvandakaita ini, nevanasikana zvakare, uye dambudziko iri rapambira kuvakuwasha vanoroora vana vedu. Rinonzi rakatanga apo baba vangu, VaMaringe Chigwada, vakaba mhembwe yaive pamusungo wemumwe murume aibva kuMalawi, apo vaishanda papurazi reSiamona kuBindura,” vanodaro VaChigwada.
Vanoti baba vavo ava vakaba mhembwe iyi varungu vachangopinda munyika muno, apo vaiita basa rekufudza mombe papurazi iri revachena. Baba ava vaiita zvakare basa rekutyaira mombe pangoro.
“Baba vangu vaishanda pamwe chete nedzimwe hama dzedu, vachiita basa rimwe chetero rekufudza mombe nekutyaira mombe pangoro. Panguva iyi, vanonzi vakanoba mhembwe pamusungo wemurume aibva kuMalawi, uyo aiita basa rekuteya mhuka munzvimbo iyi. Murume uyu anonzi akazoenda kuna baba mushure mekunzwa runyerekupe rwokuti mhuka yake ndivo vainge vaiba.
“Akavabvunza asi vakaramba. Murume uyu akabva agadzira mishonga yake yechivanhu, zvinova zvakakonzera dambudziko ratinaro nhasi iri,’’ vanodaro VaChigwada.
Vanoti murume ane mhembwe yakabiwa iyi akazobva papurazi apa, ndokuenda kusina anoziva, uye akasvika pakufa asina kuripwa.
“Mudzinza rose tine dambudziko remakumbo akaremara, izvo zvakonzera kuti tive nehurombo hwakapetwa nokuti hatigoni kuzvishandira. Kurima chaiko nekusakura idambudziko. Vazhinji vedu tinosakura tichigwesha. Muno hatina mvura inowanikwa pedyo.
Chibhorani chiri kure zvokuti hatigoni kunozvicherera mvura. Vanawo havagoni kuenda kuzvikoro. Kuenda kuzvipatara chaiko idambudziko guru,” vanodaro VaChigwada.
Vanoti vamwe vana vavo vanosiira chikoro panzira pamusana pekutadza kufamba.
“Vanachiremba vekuHoward Hospital vaimbouya kuzotirapa, vachishaya zvirwere zvacho. Vaimbotibatsirawo nokudya nemagumbezi asi iye zvino havachauyi. Hurombo chaihwo ndihwo hwakaputira dzinza redu nokuda kwekukanganisika makumbo. Chikumbiro chedu ndechokuti mutungamiri wenyika nemudzimai wavo vazivewo dambudziko redu, tigone kubatsirwa,” vanodaro VaChigwada.
Vanoenderera mberi vachiti: “Tinodawo kuchererwa chibhorani pakati pemusha wedu kuti tiwanire mvura pedyo sevanhu vasingagoni kufamba. Tinoshuvira kuti dai tawanawo motokari inotakura vana vedu kubva pamusha kuenda kuzvikoro nekudzoka. Ini chaiye handigoni kusvika kunzvimbo yedu yemabhizimusi yeMukodzongi nedambudziko rokuti tose tinoita makumbo ekuzvuva pakufamba.”
Vanoti dzimwe hama dzavo dzakatizira kuMt Darwin, uko dzave kugara dzisina dambudziko rekuremara makumbo iri.
“Pakatanga dambudziko iri, dzimwe hama dzedu dzakatizira kuMt Darwin, uko dzave kugara, asi hadzina dambudziko remakumbo sesu kuno,” vanodaro VaChigwada.
Vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0776 543 575 kana 0780 267 721.




