E-Learning yakanaka muzvikoro: kundiona

ZVIKORO, kubvira kupuraimari kusvika kuyunivhesiti, zviri kukurudzirwa kuti zvifambirane nenguva kuburikidza nekuti vadzidzi vashandise ruzivo rwechimanje-manje.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaCleopas Kundiona, avo vanove mukuru pamwe nemuridzi weUMMA Institute, muhurukuro yavakaita neKwayedza svondo rapera kuMarondera.

“Zvikoro zvose zvinofanira kufambirana neruzivo rwechimanje-manje nekuti E-Learning yakakosha kuvadzidzi pamwe nevadzidzisi. Ticharamba takabatana neHururmende mukusimudzira dzidzo munyika,” vakadaro.

“Muzvikoro zvose tasvika padanho rekuti vana vashandise makombiyuta muzvidzidzo zvavo kubva kuECD. Izvi zvakakosha nekuti zvinoita kuti vana varodzeke pamwe nekuvhurika njere,” vakadaro Dr Kundiona.

Vanoti zvakakoshawo kuti vana vechikoro vadzidziswe mabasa emawoko.

“Kusimudzira dzidzo yemunyika kunoita kuti tirambe tiri pachidanho chepamusoro muAfrica munyaya dzefundo,” vakadaro.

Vanokurudzira mapoka akasiyana pamwe nemakambani akazvimirira kuti abatsirewo mukusimudzira dzidzo munyika.

“Vemasangano pamwe nemakambani akazvimirira tinovakurudzira kuti vabatsirane neHurumende mukusimudzira fundo munyika.

“Tinopa kutenda kukuru kuUnicef iyo iri kubatsira chaizvo mukusimudzira zvidzidzo zvemakombiyuta nezvesainzi munyika,” vakadaro Dr Kundiona.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×