EcoSure yoparura chirongwa chitsva

KAMBANI yeEconet yakabura chimwe chirongwa chitsva pasi pecheEcoSure chinonzi “Thwala Sonke”, icho chinotendera vane zvirongwa kana kuti “mapolicy” ekuviga vafi kuti vapinzewo vemumhuri dzavo pamwe nehama dzepedyo kuburikidza nekushandisa nharembozha.

Thwala Sonke zvinoreva kuti “vatakurei vose”.

Vachitaura nguva yadarika pakuparurwa kwechirongwa ichi, chamangwiza weEconet Wireless, VaDouglas Mboweni, vanoti vakaona kuti mamwe makasitoma avo ane vavanochengeta pamwe nehama dzavo vanenge vachida kuti vapindewo muchirongwa chekuvigwa kwevafi ichi.

Managing director weEcoSure, VaGeorge Nyashanu, vanoti vakatora matanho ekuti vari muchirongwa ichi vakwanise kubhadhara mari yavo zviri nyore kuburikidza nekushandisa nharembozha.“

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *